Accessibility links

Breaking News

Hurukuro NaMuzvare Alice Tagwira, Muchorongwa CheMadzimai Che Women's Forum.


MURWIRI WEKODZERO DZEMADZIMAI ALICE TAGWIRA

Muchirongwa chesvondo rino Evans Zininga aita hurukuro na Muzvare Alice Tagwira, mukuru we sangano re ZHEERA TRUST, muridzi webepanhau re “She Glows Africa Magazine” uye murwiri wekodzero dzemadzimai. Muzvare Alice vakahwina mibairo yakasiyana siyana mubasa avo semurwiri we kodzero dzevanhu mu Zimbabwe ne kune dzimwe nyika dzekunze.

Kunze kwekuita mabasa avanoita aya, Muzvare Alice vanokokerawo zvirongwa zvepa Zvivhitivhiti zve TV LIVE SHOWS, Vanonyora nekuimba mimhanzi inosanganisira yechitendero neimwe. Parizvino ndivo mutevedzeri wasachigaro we sangano re Zim Young Influencers.

MURWIRI WE KODZERO DZEMADZIMAI, ALICE TAGWIRA
MURWIRI WE KODZERO DZEMADZIMAI, ALICE TAGWIRA

Vachitaurawo padandemutande ravo re FACEBOOK, vakati, “Ndiri munhu ane shuviro yakakura yekupinda mune zvematongerwo enyika, ave kutomira mira mune zvakawanda, nditori nhengo yepamusoro ku dunhu rangu randinobva, kana nguva yakwana, muchazoziva henyu.” Izvi vakazvitsinhira vachitaura ne Studio 7, vachiti vamiriri vemadzimai vashom muparamende.

Muzvare Alice vanoti munhukadzi ngagashande nemaoko ake kwete kumirira kuchengetwa nevarume sezvo pasina chinotadzisa munhukadzi wanhasi kuita zvese zvinoitwawo nemurume wanhasi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG