Accessibility links

Breaking News

Madzimai Odzidziswa neZvekushandisa Simba reZuva Kumusangano Mukuru weCSW67 kuUnited Nations


Minister Monica Mutsvangwa
Minister Monica Mutsvangwa

Gungano guru rinoitwa pagore richizeya nyaya dzekusimudzirwa kwemadzimai kana kuti Commission On The Status Of Women kana kuti CSW wechimakumi matanhatu nenomwe kana kuti CSW67 uri kuenderera mberi muNew York kumuzinda weUnited Nations.

Nezuro musangano uyu wakazeya nyaya dzekushandisa zuva seimwe mhando yemoto kana kuti solar energy. Izvi zvakakosha sezvo nyika dzakawanda kusanganisira Zimbabwe dziri kutatarika kuwana magetsi kubva kumarasha nemvura.

Gurukota rezve kufambiswa kwemashoko amai Monica Mutsvangwa avo vanove vamwe vemakurukota ari kumusangano uyu vanoti hurumende icharamba ichiwedzere mari zvirirongwa zvazvo zvine chekuita nesolar energy senzira yekuti mhando wemoto unobva kumagetsi uyu uwanikwe neveruzhinji mungave muri muzvipatara kana zvikoro zvekumamisha. Amai Mutsvangwa vataura izvi kumucheto wemusangano weCSW 67.

"Tange tiri kuzeya pamusoro pezvakawanda kuno kumusangano wemadzimai weCSW67 izvo tichano pakurirawo vamwe kumusha asi nhasi takwanisa kukurukura pamusoro pekukosha kwakaita mhando yemoto unoshandisa zuva wesolar energy mumabasa atirikuda kuita mukukurudzira kuti kuve nekushandiswa kwedandemutande kumaruva sezvinoitwa kumadhorobha,"Amai Mustvangwa vaudza Studio7.

Musangano uyu wakatanga musi wa 6 Kurume uchipera nemusi weChishanu.

Masangano akazvimirira oga muzimbabwe ari kumusangano uyu anoti pane mitemo yachinjwa kuvsimudzira asi hurumende haisati yazadzikisa zvinhu zvakawanda kuti madzimai awanewo mikana yakafanira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG