Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Youdza UN Kuti Yakakwanisa Kufumura Manyepo paNyaya yeCovid 19


Minister Monica Mutsvangwa
Minister Monica Mutsvangwa

Musangano mukuru weCommission On the Status of Women -CSW67 unokokerwa nesangano reUnited Nations gore rega rega panozeyewa nyaya yekodzero dzemadzimai nevanasikana uri kuenderera mberi kumuzinda wesangano iri kuNWS York.

NeMuvhuro, gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa vakaudza gungano iri kuti nyika yakaumba chikwata chevanhu vaidzidzisa vanhu nezvedenda reCovid-19 kudzivirira kufambiswa kwemashoko enhema.

Vanoti panguva iyi pakange pane nhau dzemanyepo dzaitenderera pamadandemutande zvakaita kuti vatsvage nzira dzekupa veruzhinji nhau dzechokwadi kuti vazivirire kupararira kwechirwere ichi.

Minister Monica Mutsvangwa
Minister Monica Mutsvangwa

Musangano weCSW67 uri kutarisirwa kuenderera mberi kusvika neChishanu asi aAmai Mutsvangwa vanoti vachange vachidzokera kumusha neChitatu sezvo misangano yemakurokota inenge yapera.

"Tiri kufara nezve dzidzo dzatiri kuwana kumusangano weCSW67 uye isu sehurumende yeZimbabwe nemadzimai anobva kumasangano akazvimirira tange tichidyidzana pamusoro pezviri kubuda mumisangano iyi. Nyika zhinji dzafadzwa nezvatakataura pamusoro pemafambisiro atakaita nyaya yekurwisa mashoko enhema pamusoro pedenda reCovid-19 munyika,"Amai Mutsvangwa vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG