Accessibility links

Breaking News

Muzvare Alice Tagwira, Mukuru weSangano ReZHEERA TRUST, Vari Muridzi weBepanhau re“SheGlows Africa Magazine,” Voita Hurukuro neStudio 7.


 MURWIRI WE KODZERO DZEMADZIMAI, MAUZVARE ALICE TAGWIRA
MURWIRI WE KODZERO DZEMADZIMAI, MAUZVARE ALICE TAGWIRA

Muchirongwa chesvondo rino chakanangana nemadzimai, Evans Zininga weStudio 7 aita hurukuro naMuzvare Alice Tagwira, mukuru wesangano re ZHEERA TRUST, muridzi webepanhau re “She Glows Africa Magazine” ,uye murwiri wekodzero dzemadzimai.

Muzvare Tagwira vakahwina mibairo yakasiyanasiyana mubasa ravo semurwiri wekodzero dzevanhu muZimbabwe nekune dzimwe nyika.

Kunze kwekuita mabasa avanoita aya, Muzvare Tagwira vanokokerawo zvirongwa zve pazvitivhiti kana kuti TV LIVE SHOWS, vanonyorawo nekuimba mimhanzi inosanganisira yechitendero neimwe.

MURWIRI WEKODZERO DZEMADZIMAI ALICE TAGWIRA
MURWIRI WEKODZERO DZEMADZIMAI ALICE TAGWIRA

Pari zvino ndivo mutevedzeri wasachigaro vesangano reZim Young Influencers.

Vachitaurawo padandemutande ravo reFACEBOOK, vakati, “Ndiri munhu ane shuviro yakakura yekupinda mune zvematongerwo enyika, ave kutomira mira mune zvakawanda, nditori nhengo yepamusoro kudunhu rangu randinobva, kana nguva yakwana, muchazoziva henyu.”

Muzvare Tagwira vanoti munhukadzi ngaashande nemaoko ake kwete kumirira kuchengetwa nevanhurume sezvo pasina chinotadzisa munhukadzi wanhasi kuita zvese zvinoitwawo nemurume wanhasi.

Hurukuro na Muzvare Alice Tagwira
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG