Accessibility links

Breaking News

Komiti yeParamende yeDzidzo Yotsigira Kuti Varairidzi Vasabhadhariswe Mari yeDzidzo yeVana Vavo


Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga -
Amai Priscilla Misihairabwi-Mushonga -

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo inoti hurumende inofanirwa kurerutsa matambudziko akatarisana nevarairidzi kuburikidza nekuti vana vavo vadzidze pachena muzvikoro zvehurumende pamwe nekuwanira varairidzi ava dzimba dzakanaka dzekugara.

Imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo inoti hurumende inofanirwa kurerutsa matambudziko akatarisana nevarairidzi kuburikidza nekuti vana vavo vadzidze pachena muzvikoro zvehurumende pamwe nekuwanira varairidzi ava dzimba dzakanaka dzekugara.

Izvi zvabuda pamusangano waitwa nekomiti iyi kwaMutare nhasi.

Vachitaura pamusangano uyu, sachigaro vekomiti yeparamende inoona nezvedzidzo, Amai Priscilla Misihairabwi Mushonga, vana vevadzidzisi vanofanirwa kudzidza pachena muzvikoro zvehurumende pamwe nezvemakunzuru senzira yekuti varairidzi, avo vati vane mihoro iri pasi pasi, vasanyanye kutambudzika.

Amai Misihairabwi Mushonga vati vadzidzisi havazi kuwana mari inokodzera izvo zvri kupa kuti vakundikane kuendesa vana vavo muzvikoro zvavanoshuvira.

"Tinoda kuti pagadziriswe nyaya yevadzidzisi kuti vana vaitirwe zviri nane sekuti vadzidze muzvikoro pachena, as zviri zvemakanzuru kana kuti zvehurumende. Uye vanoda kuti vaitirwe zvimwe zviri nane sekuti vawanirwe pekugara pakanaka," Amai Misihairabwi Mushonga vaudza musangano uyu.

Amai Misihairabwi Mushonga vati dambudziko riripo rinoda monera pamwe sechucha chemuzukuru kuti nyika ifambire mberi

"Mamiriro azvakaita ndeeekuti tinoda zvakare kuti vashande munzvimbo dzavanogudzikana nadzo kuitira kuti vashande nemazvo," vadaro Amai Misihairabwi Mushonga.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mukuru wesangano revarairidzi reZimbabwe Teachers Association, VaSifiso Ndlovu, vatiwo vadzidzidzisi ibandiko rakakosha rinosungirwa kucherechedzwa zvakadzama nguva dzose.

Asi vati chinonetsa inyaya yekuti zvinhu zvinovimbiswa nehurumende hazvisi kuzadziswa, izvo zvinogara zvakarwadza varairidzi vari munyika.

Mubati wehomwe musangano reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, VaLadistus Zunde, vati vanotarisira kuti hurumende ichaterera zvichemo zvavo yobva yazvigadzirisa zvachose rwendo rwuno

"Toda kuti apa nyaya yevadzidzisi iyi yekuti vana vavo vadzidze pachena muzvikoro. Tobvumirana kuti havazikuwana muhoro wakaringana saka ngavawanirwe mukana wekuti vana vacho vadzidzewo pachena," vadaro VaZunde.

Mutauriri weparamende, VaJacob Mundenda, vati vanotarisira kuti zvabuda mumusangano wanhasi zvichazadzikiswa nekukurumidza.

"Itarisiro yedu yekuti zvataurwa maringe nevadzidzisi vedu munyika zvichaitwa, kunyanya nyaya yekuti vange vaine vana vanodzidza mahara muzvikoro zvehurumende uye nekanzuru, uye kuti vange vaine masitendi edzimba pamwe chete nekuti vawanirwe zvikwanisiro mumabasa avo," vadaro VaMudenda.

Musangano wekomiti iyi uri kupera mangwana uine chinangwa chekutsvagurudza zvinetswa zvinosangana nevashandi vehurumende kunyanya vekubazi redzidzo avo vari kusangana nezvipingaidzo zvakasiyana siyana izvo zviri kupa kuti vamwe vavo varamwe mabasa.

Kana komiti iyi yapedza kuita misangano yakadai, inosungirwa kutura zviri pamutemo, kuhurumende zvisungo zvainenge yabuda nazvo ichikurudzira kuti zvizadziswe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG