Vamwe vagari vekwaMutare vari kunyunyuta nemitero yavari kunzi vabhadhare nekanzuru yeguta iri iyo vanoti yakawandisa apo vazhinji vasiri kuenda kumabasa.
Bhajeti regore rino nderemari inosvika mamiriyoni makumi matatu nematatu kana kuti US$33 million yekuAmerica kwete regore rapera raive remamiriyoni makumi matatu nerimwe emari yemunyika kana kuti US$31,1 million
Munyori anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reMutare Residents and Ratepayers Association VaDavid Mutambirwa vanoti kanzuru yeMutare iri kuwedzera mitero sekunge isiri kuziva kuti hupfumi hwenyika hauna kumira zvakanaka.
VaMutambirwa vanoti bhajeti iri rakaitwa pasina kunzwa pfungwa dzevagari.
Mukuru anoona nekufambiswa kwemabasa mune rimwe sangano revagari reUnited Mutare Residents and Ratepayers Trust, UMRRT VaEdison Mthulisi Dube vatiwo mitero yekunogara vazhinji nevekumisha yeshoroma yakanyanya kusiyana zvisineyi nekuoma kwaita zvinhu munyika.
Meya weguta reMutare VaBlessing Tandi vaudza Studio 7 kuti kanzuru yavo inotosungirwa kuti ikwidze mitero kuti zvifambirane nezvinhu zvinenge zvichida kuitwa. Panyaya yekuwedzerwa kwemutero wemvura, VaTandi vati mari yavakatara inokwana kuti vawanise vagari mvura nekutenga mishonga yekuichenesa.
Vaimbove meya weguta reMutare uye vari muzvina mabhizinesi vaBrian Leslie James vanotiwo kukwidzwa kwemitero nekanzuru kunoshungurudza sezvo mabhizinesi asiri kushanda nemazvo panguva ino.
VaJames vanoti vemabhizinesi vaifanirwa kunge vakaudzwawo kana kudeedzwa kumisangano iyi pasati paitwa chisungo chemitero ichi.
Facebook Forum