Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro kune vana vasiri kunyora bvunzo uye kune dzimwe nzvimbo zvinhu zvange zvakaita manyama amire nerongo sezvo vamwe vabereki vange voita chipatapata nhaka yemakonzo kutsvagira vana nzvimbo vamwe vototanga kudzidza.
Mumwe mubereki ange achiyedza kutsvagira mwana wake nzvimbo yechikoro kwaMutare ndiVaTakunda Majeza avo vaudza Studio 7 kuti nyaya yelockdown ndiyo yakapa kuti vadye manonoko.
Amai Jesca Tarasika mumwe mubereki ange achiri kutsvagira mwana nzvimbo vati vakuru vepachikoro chiri pedyo navo ndivo vakapa kuti vakundikana kunyoresa mwana wavo nenguva sezvo pavaienda vaiwana pasina ari kunyoresa vana.
Vamwe vakaita saAmai Susan Muchenje vanorarama nekutengesa pamusika vanoti nyaya yekukundikana kuunganidza mari yechikoro nenguva yakapa kuti vanonoke kutsvagira mwana wavo nzvimbo yeForm One pachikoro cheSacred Heart Secondary.
Amai Vivian Chitambo vanochema nerekuti vezvikoro vari kuramba kutambira mari yechikoro isina kukwana kunyangwe hazvo vabereki vakaremerwa nenyaya yelockdown.
Zvichakadaro, mumwe mubereki ane mwana paChancellor Junior School muno maMutare, uye vaimbove meya weguta VaTatenda Nhamarare vanoti vanogutsikana nematanho ari kutorwa nezvikoro mukuedza kuchengetedza vana kubva kudenda reCovid 19.
Svondo rapera mukuru anoona nezvedzidzo mudunhu reManicaland VaEdward Shumba vakaudza vatori venhau pakugamuchidzwa kwezvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kweCovid 19 muzvikoro kuti vanofara nerubatsiro ruri kuramba richiuya kubva kubazi rezvedzidzo.
Sachigaro wechimwe chikoro chichiri kutanga cheSacred Heart of Jesus Christ Secondary vaCasper Pound vanoti vasangana nedambudziko revana vawandisa asi vasina pekuti vana ava vawane pekudzidzira pakanaka.
Kunyangwe hazvo zvikoro zvavhurwa nhasi pachikamu chepiri mukuru werimwe sangano rinomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ kudunhu reMashonaland West VaRosten Mutapa vanoti vana chete ndochete variko sezvo varairidzi vasiko kana kuti hapana chavari kudzidzisa.
Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti vari kufara nemafambiro aita zvinhu muzikoro.
Ongororo yaitwa neStudio 7 inoratidza kuti kuBulawayo vamwe vabereki vari kunyunyata nekurambirwa nezvikoro kutambira mari inobhadharwa nemakadhi, vamwe nekudzorererwa vana nekusabvisa mari yakakwana.
KuMashonaland West vamwe vabereki vafumobata jongwe muromo kuenda kuzvikoro kunoyedza kunyoresa vana.
Facebook Forum