Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yobuda neHwaro Munyaya dzeHutano


Nurses Strike Harare
Nurses Strike Harare

Bazi rezvehutano rabuda nehwaro hutsva hwemashandiro achaita bazi iri kwemakore matatu anotevera paine chinangwa chekupedza matambudziko ebazi iri anosanganisira kushayikwa kwemishonga, kuramwa mabasa kwevashandi pamwe nekugadzirisa zvivakwa.

Vachitaura pamusangano uyu, mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehutano, Dr John Mangwiro, vati mumakore matatu anotevera pachange pachiongororwa nyaya dzekuti mimwe mishonga igadzirwe munyika, vashandi vange vari pamutambarakede, uye zvivakwa zvinge zvichigadziriswa kuitira kuti zvifambidzana nenguva.

Dr Mangwiro vati mimwe mishonga inotenga kunze inokwanisa kunge ichigadzirwa munyika zvichizobatsira kuwanira vanhu mabasa uye kuderedza kushandiswa kwemari yekunze.

"Tiri kuti hutano hwemaZimbabweans, kutakurwa kwemadzimai, kuvakwa kwezvipatara zvinhu zviwanikwe muno paNational Health Strategy ministry inge iine zvinobatika zvekuti tinge tiine zvivakwa, mishonga yemuno inogadzirwa muno kwete kutenga kunze, kuti tinge tiine vashandi vanoshanda zvakanaka vanhu vange vachifara munyika nezvavanenge vachiwana kubazi rezvehutano, zviri zvemuno zvoga tirege kuti vanhu vanorapiwa kunze," vadaro VaMangwiro.

Dr Mangwiro vati havasati vave nehuwandu hwemari inodiwa mukuona kuti zviga zvavo zvazadziswa panosvika 2023 kuitira kuti zvinhu zvive nyore pahutano hwemunhu wese.

Mukuru anoona nezvegwara rezvehutano mubazi rezvehutano, Dr Stephen Banda, vati vabuda zvakare negwaro richapa kuti munyori mubazi rezvehutano achange achitarisirwa kushanda seyi uye kuti achibuda nechii kuti arambe ari pabasa.

Mukuru anoona nezvekubuda kwemashoko mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vati kondirakiti yemunyori mubazi rezvehutano, ichange ichizoshanda kutanga mugore ra2021 zvichienda mberi.

Musangano uyu waitwa panguva iyo zvunhu zvisina kumira zvaknaka munyika sezvo vakoti vari kuramwa mabasa vachiti vanoda kuti hurumende igadzirise zvichemo zvavo, ukuwo vanachiremba vachiti havanawo zvikwanisiro, uye mari dzavo ishoma zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG