Accessibility links

Breaking News

Madzimai Anoita zveKupenda Mifananidzo Akavhiringwa neCovid-19 Okumbira Rubtsiro kuHurumende


Mumwe wemufananidzo wakapendwa nemadzimai ekuManicaland
Mumwe wemufananidzo wakapendwa nemadzimai ekuManicaland

Mamwe madzimai anoita zvekupenda mifananidzo kana kuti batique nezvimwe vachitengesa kana kuti visual arts mudunhu reManicaland ari kukumbira hurumende kuti ivabatsire sezvo vave kutatarika mushure mekunge mabasa avo akanganiswa nechirwere cheCovid-19.

Madzimai aya akataura nemusi weSvondo pakupera kwemazuva manomwe ekucherechedza tsika nemagariro evanhu kana kuti Cultural Week.

Mumwe ari kuchema chema nemamiriro aita zvinhu ndiAmai Joice Sungunuro vanoti chirwere cheCovid-19 chakavavharira mikana yakawanda yekusimudzira mabasa avo.

"Hurumende iripo chere kutiikwanise kuti vanhu vaite mukana wekuti vaite,ari yacho, saka ku ART Gallery taisiwana zviromnekuti taiwina ngenguti nguva yapfuura nadakaita number 2, plus panoda kutimatourists paanouuya paya zvinotibatsira kuti titange patsva but zvinoda maUS$."

Amai Elen Goba, avo vanochengeta nherera, vanoti kunyangwe hupenyu hwaoMa havasi kuzosiya basa iri.

"Inini zvakandibatsitsira nekuti I had a group of women from Zanu pf, about 10 women vataiiita kuti tisumuke, uye netinherera twandakachechengetea panguva yacho yaco zvakakaita zvakanaka panguvayacho, saka ndasara netuviritwendiinatstwo."

Vanoti vachiri kunetsekana nenyaya yekushaya mari yekutenga mishonga yekupendesa uye zvimwe zvinodiwa mukuita mabasa ose avari kuita. Amai Goba vanoti zvuimwe zvavakapendazvakaenda kunze kwenyika zvikakabatsira vakawanda kunyanya madzimai

Mumwe mugari wemaMutare VaWashington Chikukwa vanoti mune zviri kupendwa pane mifananidzo yakawanda yemadzimai ayo vanoti anoita mabasa akawanda nekudaro vanofanira kupembedzwa.

"Tichisimbisa mabasa aripo asa maarts worksand peaces and zvichienderana ne-culture yedu tinoona paine mabasa emadzimai arimumapaintings nezvimwe saka weareappreaciting zvavari kuita mumabasa avo."

Muzvare Elizabeth Muusha, mukuru weNational Gallery of Zimbabwe maMutare, vanoti vanodada nemabasa emadzimai zvisineyi nekuoma kwakaita hupenyu munyika panguva ino.

Svondo rekuremekedza magariro netsika dzevanhu kana kuti Cultural Week rinoitwa neveNational Arts Council of Zimbabwe gore roga roga apo pasi rose rinenge richicherechedzawo zuva rekuremekedza misiyano patsika nemagariro evanhu pasi rose kana kuti World Day for Cultural Diversity for Dialogue and Development.

Gurukota rinoona nezveMitambo neTsika Muzvare Kirsty Coventry vakati vanhu vemuZimbabwe vanofanira kudada nerudzi rwavo.

Nyaya ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG