Accessibility links

Breaking News

VaIsaac Dube Vane Chirwere Chegomarara Chopararira Vokumbira Rubatsiro


VaIsaac Dube
VaIsaac Dube

Kurarama kwave kunetsa kuna VaIsaac Dube avo vanogara kuArda Transau, kwaOdzi, makiromita makumi mana kumadokero kweguta reMutare. VaDube vane chirwere chegomarara uye vari kushaya mari yekuti varapwe.

VaDube vanoti sevanhu vane husope vakawanda vaita dambudziko regomarara reganda uye zvakatanga muna 2015. Asi vati dambudziko ravo guru nderekushaya mari yekuti varapwe, “Ini ndinorarama neAlbinism, ndasangana nechallenge yehurwere, ndiri munhu anonga chida kushanda asi nehurwere hwandave nahwo handichakwanisi kunge ndichishanda ndine maronda ari paziso iri uye rinofanirwa kunge richi-oparetwa, ndine magrowth zvakare matatu pahuro nekumusana, ose maronda aya anoda kubviswa navanachiremba vakasiyana siyana asi dambudziko randinaro nderekuti hapana kwandingawana mari saka ndinokumbirawo mari kunyangwe ndichiziva kuti zvinhu zvakaoma.”

Albino
Albino

Vaenderera mberi vachiti, “Mari iri kudikanwa kuti ndirapwe inoita US$800. Maronda aya anobuda ropa rakanyanya zvikuru apo ndinenge ndakarara zvakare kurara kwacho kunotondinetsa.”

Vanoti kunze kwerubatsiro rwemari yekurapwa vanoshuvira kuti vawane mishonga yemafuta ekuzora kuvadzirira kuzuva, “Parizvino kunyangwe iri mari yemasunscreen chaiwo handina saka kane pane vemachechi kana makambani vanokwanisa kundibatsira ndinovimba ndinogona kubatsirikawo, ndinobatika panhamba dzinoti +263 776 168 810.”

VaDube vanoti nekuda kwehurwere hwavo pamwechete nekushaya basa vari kukundikana kuti vaendese mwana wavo mumwechete kuchikoro. Vati, “Mhuri yangu parizvino, ndine mwana hwani anoda kuenda kuchikoro asi ndiri kutokundikana kuti aende nekumuwanira zvese zvikwanisiro zvinodiwa, mudzimai wangu ange akazvitakura gore rapera asi mwana wacho akashaya zvakare.”

VaDube vatizve, “ Dambudziko rangu rakatanga muna 2010 asi zvikazonyanya muna 2015 apo ndakabatsirwa zvikambopera si zvakatanga zvakare, maronda acho ai kuita achikura mamwe acho ari kutobuda honye.”

Vanoti vakakwanisa kuita zviri nani pahutano hwavo vanotarisira kuti vaite basa rekuzvishandira havo vachitenga nekutengesa zvakasiyana siyana, “Kana zvichinge zvandiitira nane basa randingade hangu kana ndawana kamare kuzvitengesera ndowana pandinogara ndisiri pazuva sezvo skin yangu isingade kurohwa nezuva zvakanyanya; saka ndikaonawo mari yekutangawo bhizinesi rangu rekuraramisa mhuri yangu zvinenge zvakandinakira chose.”

Nyanzvi munyaya dzezvehutano VaWalter Matimba vanoti vanorarama nehusope vakawanda vanoita zvirwere zvegomomarara repaganda kana vakagarisa pazuva kana kusapfeka hembe dzinodzivirirawo ganda ravo kubva kuzuva. VaMatimba vanoti, “Nguva zhinji vanorarama nehusope vanosungirwa kuti vasazviisa muzuva sezvo ganda ravo risingadi kuti rirohwe nezuva, zvakare tinotarisira kuti vange vachizora mafuta anoita kuti ganda ravo ringe rakachengetedzeka.” Vatiwo, “Mafuta aya anozi ma-sun screen anobatsira munezvakawanda chose kuitira kudzivirira hurwere hwakaita seiyoyi skin cancer.”

Vanorarama nehusope nguva zhinji vanokurudzirwa kupfeka nguwani mumusoro kudzivirira zuva vamwe vachipfeka magirazi emaziso sezvo vachiita dambudziko rekuverenga mavara madiki.

Kunze kwekusangana nematambudziko akaita seechirwere chegomarara, VaDube vanoti sevamwe vane husope vanosangana nedambudziko rekusarurwa zvakatanga vachiri mwana mudiki.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG