Accessibility links

Breaking News

Vagari vemaMutare Votyira Kubatwa neKorera Nekuda kweDambudziko reMvura Rabata Guta Iri kweMazuva


Vagari vari kuchema kuti vari kuita mazuva vasina mvura yemupombi.
Vagari vari kuchema kuti vari kuita mazuva vasina mvura yemupombi.

Vagari vemaMutare vari kugara vakabatira ura mumaoko vachityira kutapurirana chirwere cheKorera nekuda kwekushomeka kwemvura muguta iri.

Mvura iri kunetsa muguta iri nekuda kwezviri kugadziriswa kunobva mvura iyi kuOdzani River izvo zvapa kuti kupombwa kwemvura kumbomiswa kwemazuva akati kuti

NeChipiri rakanga rave zuva rechina vagari vasina mvura yemupombi.

Mumwe wevari kutyira hutano hwavo, ndimukoti Jestina Mauchi, avo vanogara wemumusha weHobhouse.

Muzvare Mauchi vanoti vakawanda vari kuchera mvura munzvimbo dzisina kuchengetedzeka dzakaita senzizi, matsime uye nemunoungana mvura sezvo kuchangobva kunaya.

"Kushaikwa kwemvura ritori dambudziko nekuti tarisani nhasi ratova day Four kusina mvura saka kushaikwa kwayo kunotinetsa kuti ma-Toilets, tinodii uye ino inguva yema-fruits akaita seMazhanje, Mango, zvinenge zvhichida kugezwa saka unotozopedzisira vana kana vanhu vakuru vakungodya zvakadaro ndosaka zvimwe zvezvhinhu zvinozoita kuti Cholera iwande sezvo Cholera irimo muno muManicaland, tinenge tave kutotyira hupenyu hwedu."

Mumwe mugari, Amai Lucy Marange, vanoti zviri nane kuti vashaye zvavo magetsi pane kuti vashaye mvura kunyanya kuvana vacheche vanenge vachida kuonekwa kuti vakashambidzika nguva dzose.

"Kuenda kuri kuenda mvura mazuva ano kunokanganisa hutano hwevanhu nekuti mvura yakakosha, kutoenda kwemagetso kutori nane nekuti kuti mutoilet mugare musina mvura hazviiti nekuti tinoda kuflasha kuzoti vane vana vacheche mapamper anenge ave kuraswa pese pese, Korera yopararira."

Ambuya Charlotte Bangano avo vanogara muMushamukadzi kuno kwaMutare. Vanotiwo kunyange mvura iakatanga kupombwa, dambudziko guru ndere mapaipi achembera ayo ari kugara akaputika nguva dzose.

"Nyaya irikutinetsa ndeyemapaipi ekare ari kuramba achiputika zvopa kuti tive nenguva refu tichishaya mvura uye kuti nguva nenguva tinge tiine dambudziko rekushomeka kwayo muno muguta. Saka dai ambogadziriswa mapaipi aya saka nguva zhinji tine dambudziko rekushaya pekucherera mvura iyi iyo yatinowana kure kwazvo."

Mumwe mugari anotengesa michero muguta, Amai Tatenda Musabayana, vanoti kushayikwa kwemvura kwovatemesa musoro sezvo nguva nenguva pachidiwa kuti vatengi vatange vageza maokoavo uye nemichero yavari kuda kutenga.

"Zvekushomeka kwemvura zviri kutivhiringa pakuti kana kusina mvura sesu tinotengesa tinenge tichida mvura yekuti vanhu vageze maoko, michero yavatenga seMango, vasati vadya saka zvave kutotipa matambudiko ekuti titsvage ma-buckets ekuti kana atenga ageze maoko zvimwechete kana ari ma-Apples, asi isusu mari yekutenga izvi hatina , deno tikawanirwawo mabuckets iwayo tiise pamusika."

Asi mutauriri wekanzuru yeMutar, VaSpren Mutiwi, vachinyora padatemutande rekanzuru yavo kuvagari nhasi vati basa rekugadzirisa kunobva mvura riri kutarisirwa kunge rapedzwa chero nguva svondo rino.

Vayambira vagari kuti vashandise mvura zvine hungwaru uye vane zvekucherera mvura zvinozivikanwa nekuti maBhawuza avo vanokwanisa kuwana mvura iyi paMutare Fire Brigade pachena.

VaMutiwi vati panguva ino vanhu vasaungana sezvo zviri kukonzera kupararira kwechirwere cheKorera.

Chirwere ich chabata vanhu vanodarika zviuru zvitatu mudunhu reManicaland kubva zvachakatanga muna Kukadzi.

Vanhu vanodarika zviuru zvisere vabatwa nechirwere ichi munyika yose, uye vanhu zana nemakumi mashanu vanonzi vafa nechirwere ichi munyika yose.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG