Accessibility links

Breaking News

Zvikwereti Zvine Vagari Zvotadzisa Kanzuru yeMutare Kuita Basa


Vagari veguta re Mutare vane chikwereti kukanzuru yeguta iri chinopfuura mamiriyoni zviuru mazana mapfumbamwe emaariyemunyika kana kuti ZW$900 million iyo vari kutatarika kubhadhara zvodzosera mabasa ekanzuru kumashure.

Meya weguta reMutare VaBlessing Tandi vaudza Studio 7 vanoti kanzuru ine mabasa akawanda kwazvo ari kuda kuitwa kusanganisira kugadzirisa kushayikwa kwemvura kumusha weDangamvura, Chikanga nedzimwe nzvimbo, kutenga motokari dzinotakura marara uye kuwana vashandi vane hunyanzvi mumapazi akasiyana siyana asi izvi zviri kudzorerwa shure nenyaya yechikwereti ichi

VaTandi vanoti chikonzero chinopihwa nevagari chekusabhadhara mari parizvino inyaya yekuti vazhinji vange vasiri kuenda kumabasa panguva yelockdown zvakare vamwe vakatosiyiswa mabasa acho izvo zvopa kuti vashaye pekutangira.

Zvichakadayi vanoita mabasa ekutengesa vari muguta reMutare vari kuchema chema kuvakuru vekanzuru kuti vabvise vanoita mabasa aya vari panzvimbo dzisina kutarwa nekanzuru.

Mukuru wesangano revanorarana nekutengesa ava reMutare Informal Traders Association, VaItai Mabhobho Kariparire vanoti vanoda kuti kanzuru ipe nhengo dzavo dzinodarika zviuru zvishanu mvumo yekutengesa munzvimbo dzakatarwa chere sezvo vachibhadhara mitero.

Muneimwewo nyaya VaHatirarami Momberume avo vanozivikanwa zvakare nerekuti Evans Momberume vanopinda chechi yeJohanne Marange vakasungwa mwedzi wapfuura vachipomerwa mhosva yekubhinya uye kukonzera rufu rwemwanasikana asati abvazera Anna Machaya uyo aive nemakore gumi nemana vachaziva nezvechikumbiro chavo chekuti vatongwe vachibva kumba nemusi weChitatu.

Gweta raVaMomberume VaBrian Majamanda vaudza Studio 7 nhasi kuti nemusi weChitatu ndipo vachaziva kuti zvakamira seyi pamusoro pechikumbiro chekubvisa mari yechibatiso

Kubva pakasungwa VaMomberume vaingonyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso vachinzi vakatarisana nemhosva hombe uye vachityirwa kuti vakabvumirwa kutongwa vachibva kumba vangangotize kana kukanganganisa zvapupu pamhosva yavakatarisana nayo.

Nyaya Ina Loirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG