Accessibility links

Breaking News

Vapoteri Vogara Vakamanikidzana paTongogara Refugee Camp


Tongogara Refugee Camp
Tongogara Refugee Camp

Vapoteri vanogara kuTongogara Refugee Camp mudunhu reManicaland vanoti kunyange hazvo vachifara kuti vari kugara murunyararo nguva dzose, zvinhu hazvina kunyatsomira zvakanaka munyaya pamagariro avanoita mukembi iyi.

Vamwe vapoteri vakataura neStudio7 vanoti vari kugara vakamanikidzana sezvo dzimba dziri shoma, uye vanhu vakawanda vachigara mumatende.

Mumwe wevapoteri paTongogara Refugee Camp, VaMusango Malalembo, avo vanobva kuDemocratic Republic of the Congo, DRC, vanoti dambudziko ravo guru ndere kushaya mikana yekuti vaite mabasa anovasimudzira.

VaMalembo vanoti vangafara zvikuru vakawanirwa pekurima panovakwanira nemhuri yavo yevana vatanhatu, kwete kuti vagare vakamirira chikafu chavanotambiriswa nacho.

Asi Va Malembo vanoti vanofara kugara muZimbabwe nekuti mune runyararo zvichienzaniswa nekusawirirana kuri kuitika kuDRC.

Mumwe mupoteri akabva kuSomalia, Muzvare Elizabeth Kamara, vanoti vanofara nedzidzo yavari kuwana paTongogara Camp, izvo vakange vasingawani vari kumusha kwavo uko kunogara kwakarwiswa nevanopfurikidza mwero vechikwata che Al-shabab.

Mukuru wepa Tongogara Refugee Camp, VaJohanes Mhlanga, vanoti ichokwadi kuti vane dambudziko redzimba sezvo kamba iyi yawandirwa.

VaMhlanga vanoti rimwe dambudziko ravari kusangana naro idenda reCovid 19 ranetsa paTongogara, sezviri kungoitikawo munyika yose.

Kamba iyi yakatanga kuvhurwa muna 1983 kuti ichengete vapoteri vekuMozambique zviuru zvitatu, asi pari zvino yawandira nevanhu vanogara mukamba iyi, izvo zvinopa kuti patyirwe kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Tongogara Refugee Camp ine vapoteri vanodarika zviuru gumi nezvishanu vanobva kuDRC, Mozambique, Burundi, Somalia, Eritrea, Ivory Coast, Sudan, South Sudan, Mali nekuUganda.

Zimbabwe inobatsirwa neUnited Nations, World Vision nemamwe masangano epasi rose mukuchengeta vapoteri ava.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG