Doctor Dzamara vanoti vanga vaenda pakamba yemapurisa iyi vachida kunopa chikafu kune vamwe vavo vakasungwa mukuratidzira kwakaitika nemusi weMuvhuro, apo vaonekwa nematikitivha mana vave kubuda kubva mukamba iyi.
Vashandi vehurumende vanoenderera mberi nekuramwa mabasa, kunyange hazvo varairidzi vawana mari dzavo dzemihoro yaChikumi, ukuwo vanachiremba nevakoti vachitarisirwa kuwanawo mihoro yavo nemusi weChishanu.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti nhengo dzaro mumaguta akawanda emunyika dzaswera dziri mushishi kubatsira vanhu vasungwa nemapurisa mukuratidzira kunonzi kwaitika munyika, pamwe nevamwe vanga vari kumatare, avo vakasungwa mukuratidzira kwakaitika neMuvhuro muHarare.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muLondon kuBritain zvinodarika zana zvaratidzira pamahofisi anga achiitirwa musangano wekupemha mari pakati pegurukuro rezvemari VaPatrick Chinamasa nevemabhizimusi vemunyika iyi.
Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti kusamira kwezvinhu zvakanaka munyika kuri kuitika iye zvino kuri kukonzerwa nekunonoka kwehurumende kugadzirisa zvinhu, izvo zvave kuita kuti vana vezimbabwe vanyunyute.
Pabhodha reZimbabwe neSouth Africa reBeitbridge panonzi panga pasina chakanaka zvichitevera kuratidzira kwaita nezvizvarwa zveZimbabwe, vemabhazi, vedzimotokari dzinotakura zvinhu pamwe nevezvitoro, vachinyunyuta nedanho rakatorwa nezimbabwe rekurambidza kupinzwa kwezvinhu zvakasiyanasiyana munyika.
Masangano evashandi vehurumende ari pasi peApex Council, pamwe nevezvehutano vasangana muHarare vakasunga kuti vashandi vose vehurumende varamwe mabasa kubva musi weChipiri svondo rinouya, senzira yekumanikidza hurumende kuti ivabhadhare mihoro yavo yaChikumi nekukasika.
Apex Council yashewedzera musangano wechimbichimbi nemasangano ose anomirira vashandi vehurumende wekuti inzwe pamwe nekuzeya pfungwa dzevashandi pamusoro pedanho rehurumende rekuti ifanovapa zana remadhora panguva iyo vanenge vakamirira mihoro yavo.
Mamwe masangano evashandi vehurumende atobuda pachena kare kuti nhengo dzawo hadzisi kuzotambira zana remadhora rinonzi nehurumende ichapa kuvashandi vayo nemusi weChishanu svondo rino kuti vawane chekufanoshandisa pavanenge vakamirira mihoro yavo yaChikumi, iyo ichauya mwedzi.
Sangano reApex Council rinoti masangano evashandi vehurumende achiri mushishi yekunzwa pfungwa dzevashandi pamusoro pehurongwa hwehurumende hwekuda kufanopa mushandi mumwe nemumwe zana remadhora semari yekufambisa kusvika vashandi vatambira mihoro yavo.
Musangano mukuru pakati pemakurukota ehurumende nevashandi vehurumende wanga uchi tarisirwa kupedza gakava riri pamusoro pemazuva ekutambiriswa mari kwevashandi vehurumende waitwa muHarare manheru eMuvhuro unonzi wapera pasina chasungwa, sezvo mapoka maviri aya achinzi akundikana kubuda nechisungo.
Bato reMDC T ritoti riri kuronga kuparura chirongwa chekusatenga muzvitoro kana zvigadzirwa zvemakambani evanhu vanodyidzana nehurumende iri kutonga yeZanu PF.
Masangano anomirira vashandi vehurumende anoti haaoni nhengo dzawo dzichienda kumabasa svondo rinouya kana musangano wakarongwa kuitwa nemusi weMuvhuro pakati pemakurukota ehurumende, gavhuna weReserve Bank pamwe nevamiriri vevashandi ukatadza kubuda nechisungo panyaya yavo yemihoro.
Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti kurudziro yekuti vanhu vashandise makadhi ekumabhanga mukutenga zvinhu haina zvikuru zvainobatsira munyaya dzekushaikwa kwemari.
Mutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Fortune Nyamande vanoti hurumende yakatora danho iri isina kugara navo pasi sezvakawiriranwa.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti izvi zvaitwa nekuda kwemhinduro yavawana kubva kumapurisa, ayo vanoti avazivisa kuti zuva reMugovera rakanga rakumbirwa kare nebato reZanu PF kuti riite hurongwa hwaro.
Masangano evashandi vehurumende ari pasi peApex Council anosvika gumi nemaviri anonzi asangana muHarare akasunga kuti haasi kuzoenda kumusangano wadaidzirwa nebazi rezvevashandi nemabasa wekuzeya nezvekunonoka kwevashandi kuwana mihoro yavo mwedzi uno.
Mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vanokatyamadzwa nemaonero ehurumende ekuti varairidzi vari kuwana mazuva ezororo akawandisa kupinda vamwe vashandi vehurumende.
Chiitiko ichi chinotevera kusungwa kwevamwe varume vashanu vanoti Doctor Patson Dzamara, munin’ina waVaItai Dzamara, VaBrian Kasunzuma, VaPride Mukono, VaMakomborero Haruzivishe pamwe nemumwe murume anonzi Oliver.
Rodhai zvimwe