Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anosunga Varwiri veKodzero Vari Kuratidzira muAfrica Unity Square

Vamwe vevari kuratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare
Vamwe vevari kuratidzira vari muAfrica Unity Square muHarare

Mapurisa anonzi asunga vanhu gumi nevaviri vari kuratidzira vachigara pamwe nekurara muAfrica Unity Square kusanganisirawo vamwe vanga vachitengesa zvinhu vanga vari pedyo nenzvimbo iyi panguva iyi.

Vasungwa ava vanga vachiri mumaoko emapurisa pataburitsa nyaya ino, uye vanga vasati varovererwa nemhosva.

Chiitiko ichi chinotevera kusungwa kwevamwe varume vashanu vanoti Doctor Patson Dzamara, munin’ina waVaItai Dzamara, VaBrian Kasunzuma, VaPride Mukono, VaMakomborero Haruzivishe pamwe nemumwe murume anonzi Oliver.

Varume vashanu ava vanonzi vari kupomerwa mhosva yekubira mamwe madzimai maviri anonzi akapfuura nemunzvimbo iyi usiku uhwu vachibvunza nzira yekuenda kwamurehwa.

“Izvi zvaitika pakati peusiku chaipo. Pauya madzimai maviri echipurisa anga akapfeka nhumbi dzavo vaine zvimabhegi vachiti vari kutsvaga kunokwirirwa mabhazi ekuenda kwaMurehwa. Saka varaitdzwa kuna Fourth uko asi ivo vabva vaenda nerimwe divi,” nhengo yeOccupy Africa Unity Square Movement, VaCharles Nyoni vanodaro.

Vanoti pashure madzimai aya azosangana nevarume vaviri vachibva vambotaura vose, mushure madzimai aya azotanga kumhanya achiti ave kubirwa.

Doctor Patson Dzamara
Doctor Patson Dzamara

“Ndipo pavabva vatanga kutiza vachiuya nekwatanga tiri, mapurisa angobuda muheji achibva angosvikobata Doctor Dzamara nevamwe vavo,” VaNyoni vanorondedzera.

Vanoti varume vashanu ava vari kutarisirwa kumiswa pamberi pedare neChishanu mangwanani.

Nhengo dzemasangano anosanganisira reZimbabwe Activists Alliance, Occupy Africa Unity Square Movement pamwe neZimbabwe Women in Politics Alliance dzakabatana nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe dziri kuratidzira kwemazuva gumi nematanhatu kunyunyuta kwadzo nekwadzinoti kutadza kutonga kwaVaMugabe.

Chiitiko ichi chabatanawo nekusvitsa mwedzi gumi nemishanu mushure mekupambwa nekutsakatika kwaVaItai Dzamara, avo vairatidzirawo vari muAfrica Unity Square.

Hurukuro naVaCharles Nyoni
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvichakadaro, hurongwa hwekuratidzira uhwu hwunonzi hwave kukanganiswa nekurwira hutungamiri kwave kuitika pakati pemasangano aya.

Mumwe wevakatanga kuratidzira uku, Muzvare Lynnette Mudehwe veZimbabwe Activists Alliance vatenda kuti mune kusawirirana uye vanga vambomira kuenda kuAfrica Unity Square nekuda kwekusawirirana uku.

“Pane vanhu vatakakoka kuti vauye tibatane navo ndivo vave kutinetsa nekuda kutiburitsa muchirongwa chatakatanga isu veZimabwe Actvists Alliance. Hazvifanirwe kuneg zvichiitika kudaro nekuti tinofanirwa kunge tichishanda pamwechete,” Muzvare Mudehwe vanodaro.

Asi VaNyoni vanopomera Muzvare Mudehwe mhosva yekushanda nemasanganoe enhau ehurumende, vachiti kubva pavakashanyirwa nevatori venhau veZBC zvinhu havzina kuzombogadzikana.

Hurukuro naMuzvare Tendai Lynette Mudehwe
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG