Musangano mukuru pakati pemakurukota ehurumende nevashandi vehurumende wanga uchitarisirwa kupedza gakava riri pamusoro pemazuva ekutambiriswa mari kwevashandi vehurumende wakaitwa muHarare manheru eMuvhuro unonzi wakapera pasina chasungwa, sezvo mapoka maviri aya achinzi akakundikana kuwirirana.
Mumwe wevakapinda mumusangano uyu asi vatisingakwanise kudoma nezita vaudza Studio 7 kuti hurumende yabuda pachena kuti haina mari, ukuwo vashandi vachitsikawo madziro vachiti vanoda mari dzavo dzemihoro mwedzi uno.
Asi hurumende inonzi yazodzoka zvakare yoedza kuredza vashandi ichiti inokwanisa kumbofanovapa zana remadhora pamunhu kuti vakwanise kuenda kumabasa kusvika mazuva avo ekutambira mihoro asvika, danho ranzi nevamiriri vevashandi vanoda kutanga vambononzwa kunhengo dzavo.
“Ipapo isu tati hatigoni kupatambira kana kuparamba sezvo tiine vatinomirira. Saka tavaudza vehurumende kuti tinofanirwa kutanga taenda kunonzwa nhengo dzedu first, tozodzoka kwavari, asi handioni nhengo dzedu dzichizvitambira.”
Rimwe sangano rinomirira varairidzi vekumaruwa, reRural Teachers Union of Zimbabwe, RTUZ, ratozivisa kare kuti richatora matanho.
Munyori mukuru wesangano iri, VaRobson Chere vanoti nhengo dzavo dzichanoratidzira dzichirara pamwe nekuswera pamahofisi egurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa kubva musi wa 1 mwedzi unouya kusvika dzapiwa mari dzadzo dzemihoro yaChikumi.
"Tichaungana pamahofisi aVaChinamasa kusvika hurumende yatipa mari dzedu dzatakashandira pamwe nedziri mumabhanga dzatiri kutadza kutora pari zvino," VaChere vanodaro.
Makurukota anoti rezvemabasa nevashandi Amai Prisca Mupfumira, rezvehutano Dr. David Parirenyatwa, pamwe negurukota rezveupfumi VaChinamasa vakatsigirana nagavhuna webhanga guru renyika reRBZ Dr. John Mangudya, vakasangana nevamiriri vevashandi pasi peApex Council pamusangano uyu.
Uyu musangano wechipiri usina kana chawabuditsa pakati pehurumende nevashandi vayo. Hurumende yakazivisa kuti yakatora danho iri sezvo isina mari.
Studio 7 yakundikana kubata Amai Mupfumira kana mamwe makurukota ehuruemnde kuti tinzwe divi rehurumende panyaya iyi.