Bato reMDC T rinoti hurongwa hwaro hwekuti nhengo dzaro dzifore dzichiratidzira muguta reMutare mudunhu reManicaland, hwave kuzoitwa nemusi weChina svondo rino, kwete neMugovera sezvakanga zvamboziviswa.
Mutauriri weMDC T, VaObert Gutu vanoti izvi zvaitwa nekuda kwemhinduro yavawana kubva kumapurisa, ayo vanoti avazivisa kuti zuva reMugovera rakanga rakumbirwa kare nebato reZanu PF kuti riite hurongwa hwaro.
“Mapurisa akazivisa hutungamiri hwebato redi hwedunhu reManicaland svondo rapera kuti Saturday 25 haichaita nekuti Zanu PF yakanga yavazivisa kare nemusi wa 8 June kuti ine hurongwa hwayo, ndofunga hwekupa vechidiki ma stand here,” vaGutu vanodaro.
VaGutu vanoti sebato rinoziva maitiro emapurisa pamwe nebato reZanu PF, harioni paine dambudziko pakushandurwa kwemazuva uku, sezvo richigara rakagadzirira.
Bato reMDC- T rinoti riri kuratidzira kusafara nemamiriro ezvehupfumi, zvichionekwa nekuvharwa kwemakambani akawanda zvichisiya vanhu vakawanda vasina mabasa.
Bato iri rinoti nyaya yehuwori hwebato riri kutonga reZanu-PF ndiyo yakonzerawo kuti zvinhu zviomere vakawanda munyika.
MDC inoti vanhu vekuManicaland vanofanira kuratidzirawo nenyaya yekutsakatika kwemari yemangoda akacherwa mudunhu ravo.
Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe ndivo vakataura vega kuti mari yakabva kumangoda inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yainge yatsakatika.