Zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka pabhodha reZimbabwe neSouth Africa reBeitbridge apo panonzi vanhu varwisana nemapurisa zvichitevera kuratidzira kwaita nezvizvarwa zveZimbabwe, vemabhazi, vedzimotokari dzinotakura zvinhu pamwe nevezvitoro, vachinyunyuta nedanho rakatorwa neZimbabwe rekurambidza kupinzwa kwezvinhu zvakasiyanasiyana munyika.
VaDennis Juru, vesangano reInternational Cross Borders Association, avo varatidzira vari kudivi reSouth Africa vanoti vezvitoro, vanosanganisira verudzi rwechi India nevekuChina vabatanawo navo pachiitiko ichi, icho chinonzi chavharisa divi rebhodha rekuMessina kwemaawa anosvika kana kudarika mashanu.
Asi kudivi reZimbabwe zvinhu zvinonzi zvanga zvakasiyana zvikuru sezvo vanhu varatidzira ava vazopedzisira vapisa hofisi yeZIMRA inochengeterwa zvinhu zvinenge zvatorerwa vanhu.
VaJuru vanoti danhu rehurumende rekurambidza kupinzwa kwezvinhu iri richaita kuti mhuri dzakawanda dzinorarama nekutengesa dzitambure.
“Isuwo ticharamba tichi ratidza kunyunyuta kwedu kuburikidza nekuratidzira kusvika hurumende yeZimbabwe yatinzwa,” VaJuru vanodaro.
Hurumende yakadzika mutemo unorambidza kupinzwa munyika kwezvigadzirwa zvakaita sadovi, jam, mikaka, zvekuvakisa zvakaita semadhoofuremu, madhoo acho, mabhara nezvimwe zvakawanda zvainoti zvinogadzirwawo munyika nemakambani emo.