Mutungamiri wesangano revarairidzi reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, Doctor Takavafira Zhou, vanoti vanokatyamadzwa nemaonero ehurumende ekuti varairidzi vari kuwana mazuva ezororo akawandisa kupinda vamwe vashandi vehurumende.
Izvi zvinotevera mashoko emutewedzeri wegurukota rezvekugara kwakanaka kwevanhu VaTapiwa Matangaidze kudare reseneti nemusi weChina ekuti panofanirwa kuongororwa zvakare hwaro hwezororo revarairidzi, paine tarisiro yekuti huvandudzwe, sezvo vari kuvana zororo rakakura kukunda vamwe vashandi vehurumende.
“Matanganidze zvimwe havana ruzivo rwakakwana nemashandiro anoita varairidzi. Varairidzi havana mazuva akawanda nekuti pavanenge vari pa holiday vanenge vachitoita basa kugadzirira kotoro inotevera. Vanoenda pazororo vana vechikoro, kwete varairidzi,” Doctor Zhou vanodaro.
Vanoti hurumende inofanirwa kutarisa zviri kuitwa nedzimwe nyika isati yafunga kuvandudza mamiriro akaita zvinhu, sezvo isiri kutoziva kuti iri kutyora kodzero dzevarairidzi nekuita uku.
Svondo rino dare rezvevashandi nemabasa rakapa mutongo wekuti hurumende haigone kurambidza varairidzi kuenda pazororo.
Izvi zvinotevera danho rakanga ratorwa nhurumende zvekurambidza varairidzi kuenda pazororo, asi izvi zvakapikiswa nePTUZ iyo yakaenda kudare.