Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muLondon Zvopinda Muzuva Repiri Zvichionesa VaChinamasa Chitsvuku

Gurukuro rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa
Gurukuro rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri muLondon kuBritain zvinodarika zana zvaratidzira pamahofisi anga achiitirwa musangano wekupemha mari pakati pegurukuro rezvemari VaPatrick Chinamasa nevemabhizimusi vemunyika iyi.

Nhengo dzemasangano eZimbabwe Vigil neRestoration of Human Rights, ROHR, dzinonzi dzanga dzichiimba pamwe nekunyomba VaChinamasa dzichiratidzira pamusoro pekuparara kwaita hupfumi hwenyika pamwe nekushaikwa kwemari inonzi yakabva kumangoda.

Chiitiko ichi chinonzi chatyisa VaChinamasa zvikuru, mushure mekunge vavharirwa kwenguva nechidimbu mumotokari yanga ichiedza kuvatakura kubva pamusangano uyu.

VaFungayi Mabhunu, vanove murongi wemabasa muZimbabwe Vigil uye vari sachigaro weRestoration of Human Rights muCentral London vanoti mapurisa ndiwo atozokwanisa kubviswa vanhu vanga vachiratidzira ava avo vanonzi vanga varara mumugwagwa vachivharira motokari iyi.

“Vanhu vari kuti taneta nemi. Munoba mari dzedu uko asi mouya muchida kupemha mari kuno, tiri kuti $15 billion yedu iripi?” VaMabhunu vanodaro.

Vamwe vanonzi vapinda mumusangano wekudza kukwezva vemabhizimusi uyu ndava Tendai Biti, vanove mutungamiri webato re PDP, uye vaive gurukota rezvemari munguva yehurumende yemubatanidzwa.

“VaTendai Biti vatouya vachitikwasiza vachiti vari kuda kuudza musangano uyu chokwadi nekuti VaChinamasa vari kunyepera vanhu kuti zvinhu zvakanaka muZimbabwe izvo zvisina,”

VaMabhunu vanoti VaBiti vatovatsigisa vachiti varambe vachiudza vanhu chokwadi.

Hurukuro naVaFungayi Mabhunu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Doctor Godfrey Kanyenze, vanove nyanzvi mune zveupfumi vachitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe vanoti havaoni VaChinamasa vachibuda nechinhu mukupemha kwavo, sezvo Zimbabwe iri kukundikana kubhadhara zvikwereti zvayo.

“Zimbabwe yakatemerwa zviga nemasangano akaita seIMF neWorld Bank zvekuti itange yabhadhara zvikwereti zvayo zvinosvika $1.8 billion, saka kuti ndione VaChinamsa vachiwana chekubata handifungi kudaro,” Doctor Kanyenze vanodaro.

Vachinamasa pamwe nagavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya nechikwata chavo vari kupemha mari kunyika dzeku Europe uko vashanyira nyika dzinoti Sweden, France neBritain.

KuFrance chikwata ichi chinonzi chakasangana nevemabhizimusi pamwe nemamwe masangano vanonzi vane chido chekutanga mabhizimusi munyika.

Hurukuro naDoctor Godfrey Kanyenze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG