Masangano anomirira vashandi vehurumende anoti haaoni nhengo dzawo dzichienda kumabasa svondo rinouya kana musangano wakarongwa kuitwa nemusi weMuvhuro pakati pemakurukota ehurumende, gavhuna weReserve Bank pamwe nevamiriri vevashandi ukatadza kubuda nechisungo panyaya yavo yemihoro.
Izvi zvinotevera kukundikana kubuda nechisungo kwemusangano wekuzeya kuendeswa mberi kwemihoro yevashandi vehurumende wakaitwa nezuro muHarare, apo vashandi vakaramba kutambira danho iri vachiti vanoda kuwana mari dzavo dzemihoro mwedzi uno usati wapera.
Munyori mukuru wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, VaRaymond Majongwe vanoti kunyange hazvo hurumende yakazivisa kuti yakanga ichi netsekana kuwana mari, havasi kuzotambira chivimbiso chehurumende chekuti vaizowaniswa mihoro yavo yemwedzi waChikumi naChikunguru munaChikunguru makare.
Mutungamiri weCollege Lecturer Association of Zimbabwe VaDavid Dzatsunga vanoti havasi kuzotambira tsananguro yehurumende yekuti iendese mberi mazuva emihoro yavo.
Ukuwo, sangano reZimta rinoti nhengo dzaro dzichabuda nechisungo mushure mekunzwa zvinenge zvabuda mumusangano uchaitwa nemuvhuro.
Asi mutungamiri wesangano iri vaRichard Gundani vanoti zvinenge zvonetsa kuti varairidzi varambe vachienda kumabasa ivo vasina mari dzekufambisa kana kudya.
Musangano wemusi weChitatu uyu wakapindwa nemakurukota anoti Amai Prisca Mupfumira vebazi rezvevashandi, VaPatrick Chinamasa vebazi rezvehupfumi, VaDavid Parirenyatwa vebazi rezvehutano, Doctor John Mangudya vanove gavhuna veRBZ, vatungamiri veboka reCivil Service Commission pamwe nevamiriri vevashandi vakabatana vari pasi peApex Council.
Nekukundikana kwayo kuwana mari, hurumende yakaendesa mberi mihoro yevanhandi vayo.
Mauto ave kutarisirwa kuwana mari dzawo musi wa 27 mwedzi uno, kuchitiwo mapurisa musi wa 30, varairidzi musi wa 7 mwedzi unouya kwozoti vebazi rezvehutano pamwe nevamwe vashandi vehurumende vose vozotambira musi wa 14 mwedzi unouya.