Accessibility links

Breaking News

Vashandi veHurumende Vosunga Kuramwa Mabasa neChipiri cheSvondo Rinouya


Vashandi vehurumende vachiratidzira gore rapera
Vashandi vehurumende vachiratidzira gore rapera

Masangano evashandi vehurumende ari pasi peApex Council, pamwe nevamiriri vevashandi vari muboka rezvehutano vakasangana muHarare nemusi weChishanu vakasunga kuti vashandi vose vehurumende varamwe mabasa kubva musi weChipiri svondo rinouya, senzira yekumanikidza hurumende kuti ivabhadhare mihoro yavo yaChikumi nekukasika.

Sachigaro veApex Council, Amai Cecilia Alexander vanoti chisungo chabuda mumusangano wavo uyu chabva mupfungwa dzevashandi dzavakapa kumasangano avo.

Asi vanoti kunyange hazvo pave nechisungo chabudiwa nacho pamusangano wavo uyu, vane hurongwa hwekusangana nevashandi vose vehurumende neMugovera kuti varatidze simba ravo rekutaura nezwi rimwechete.

Vakafanobata chigaro chegurukota rezvemabasa nevashandi VaSupa Mandiwanzira vaudza Studio 7 nerunhare kuti hurumende iri kuedza napose painogona napo kugadzirisa dambudziko revashandi vayo.

VaMandiwanzira vati vanokumbira kuti vashandi vanzwisise kuti dambudziko rekunonoka kwavo kuwana mihoro riri kukonzerwa nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika munyaya dzezvehupfumi, uye riri kubatawo vekamakambani akazvimirira, avo vavewo nemwedzi yakati kuti vasati vawaniswa mihoro yavo.

Hurumende yakanga yaronga kupa mushandi mumwe nemumwe zana remadhora yekuti vafanobatsirika nayo panguva iyo vanenge vakamirira mihoro yavo, iyo yakaendeswa mberi kumwedzi waChikunguru sezvo hurumende iri kutatarika kuti iwane mari inokwana kubhadhara mihoro yevashandi vayo vose, avo vanonzi nedzimwe nyanzvi mune zveupfumi vakawandisa.

Zvichakadaro, mapurisa muHarare neChishanu arambidza nhengo dzesangano revarairidzi vekumaruwa, reRural Teachers’ Union of Zimbabwe, kuratidzira dziri pamahofisi egurukota rezveupfumi, VaPatrick Chinamasa.

Sangano iri ranga richida kuratidzira senzira yekunyunyuta nekunonoka kwavo kuwaniswa mihoro yavo yaChikumi.

Hurukuro naAmai Cecilia Alexander
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG