Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti kusamira kwezvinhu zvakanaka munyika kuri kuitika iye zvino kuri kukonzerwa nekunonoka kwehurumende kugadzirisa zvinhu, izvo zvave kuita kuti vana veZimbabwe vanyunyute.
Izvi zvinotevera mhirizhonga yaitika muHarare yakonzerwa nevemakombi vanga vachinyunyuta nekuwanda kwemapurisa mumigwagwa, vanonzi vanenge vachida chioko muhomwe.
Kutaridzira nemhirizhonga izvi zvinouya mazuva mashoma nyika yasangana nekumwe kuratidzira kukuru kwakaitika kuBeitbridge neChishanu chapfuura, vanhu vachinyunyuta nemutemo unorambidza vanhu kupinza zvinhu munyika.
VaCharles Mutasa, avo vanoshanda vakazvimirira vanoti hurumende yakarara nezamu mumukanwa payakaregerera zvinhu zvichienda kumawere munyaya dzekuwondomoka kweupfumi, izvo zvoita kuti imukirwe nevana vayo.
“Hurumende yedu yakaregerera zvinhu nekuti kana wakaona kuti kunetsa kwemari mumabhanga, hakuna kungotanga, asi kuti zvinhu zvakaitika munguva hombe,” VaMutasa vanodaro.
Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika uye vari sachigaro weZanu PF kuUnited Kingdom, VaNick Mangwana vanoti hurumende iri kuziva nezvematambudziko ose aya, uye iri kuita zvose zvainogona kuti igadzirise zvinhu.
“Hurumende iri kuziva matambudziko ose aya, uye iri kuita zvose zvainogona kugadzirisa zvinhu. Chainokumbira chete ndechekuti vanhu vaipe nguva yekugadzirisa zvinhu,”
VaMangwana vanoti zvinhu zvichanaka kubva muna Gunyana, vachiti kuuraya midziyo kuri kuitwa nevanhu vari kuratidzira hakuna zvakunobatsira.