Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzezveUpfumi Dzinoti Hadzioni Dambudziko reMari Richipera Nyore

Vanhu vanonzi vari kuswera vakamirira mumitsetse vachiedza kutora mari dzavo kumabhanga
Vanhu vanonzi vari kuswera vakamirira mumitsetse vachiedza kutora mari dzavo kumabhanga

Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoti kurudziro yekuti vanhu vashandise makadhi ekumabhanga mukutenga zvinhu haina zvikuru zvainobatsira munyaya dzekushaikwa kwemari.

Vanoti zvitoro zvikuru chete zviri izvo zvinokwanisa kupa mukana wekushandiswa kwemakadhi aya.

VaJohn Mufukare, vanove mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, vanoti dambudziko guru nderekuti Zimbabwe yanga yagara iri nyika yakajaira kushandisa keshi, izvo zviri kuita kuti vanhu vakawanda vatambure nekushomeka kwemari uku.

“Chinonetsa ndechekuti ma supermarket makuru ndiwo anokwanisa kubvuma ma card, but veruzhinji vanonotenga pama tuckshop asina michina yacho yekushandisa ma card,” VaMufukare vanodaro.

VaMufukare vanoti vanoona sekunge dambudziko rakambobata nyika muna 2007/2008 ringangodzoka pachatanga nyika kushandisa ma bond notes, sezvo vasingafungi kuti vezvitoro vangazokwanisa kuzadza zvakare zvitoro zvavo sezvavari kuita pari zvino.

Vanoti vanofunga kuti vezvitoro vanozokundikana kuhodha zvinhu sezvavari kuita iye zvino.

Imwe nyanzvi mune zveupfumi inoshanda yakazvimirira uye vachitungamira sangano reZimbabwe Business Coordination Campaign, VaTakudzwa Chisango vanotiwo dambudziko rekushaikwa kwemari riri kuwedzerwa nekuburitswa munyika zvisiri pamutemo kwemari nevamwe vemabhizimusi nevanhu vane mari dzakawanda.

“Kushaikwa kwemari kuri kuramba kuchiwedzera zuva nezuva vanhu vachienda kuma ATM kunotora mari dzavo asi kana vachinge vaedza kutora mari idzi vokundikana, ivo vachiziva zvavo kuti mari dzavo dzirimo mumabhanga,” VaChsango vanodaro.

VaChisango vanoti vanhu vanofanirwa kukurudzirwa zvakanyanya kushandiswa kwemakadhi senzira yekurerutsa nayo dambudziko iri.

“Hurongwa hwekushandisa ma card hwakaparurwa nagavhuna weRBZ muhurongwa hwavo hwemashandisirwo emari mukutanga kwa2016, uye hunofambirana neNational Financial Inclusion Strategy,” VaChisango vanodaro.

Hurukuro naVaJohn Mufukare
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

This item is part of
XS
SM
MD
LG