Mapurisa anoti asunga vanhu vanodarika zana mumhirizhonga yaitika pakati pevanhu vanga vachivhara migwagwa pamwe nekupisa zvinhu nemapurisa munyika yose zvichitevera kuramwa kwaita vanhu mabasa.
Mutauriri wemapurisa, Senoir Assistant Commissioner Charity Charamba vaudza Studio 7 kuti mapurisa asunga vanhu makumi manomwe nevashanu, kuchitiwo muHarare vasunga vanhu gumi nevapfumbamwe.
Amai Charamba vatiwo kuVictoria Falls mapurisa asunga vachena gumi nevashanu kusanganisira chimwe chizvarwa chekuBelgium.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights rinoti nhengo dzaro mumaguta akawanda emunyika dzaswera dziri mushishi kubatsira vanhu vasungwa nemapurisa ava, pamwe nevamwe vanga vari kumatare, avo vakasungwa mukuratidzira kwakaitika neMuvhuro muHarare.
Mutauriri wesangano iri VaKumbirai Mafunda vanoti sangano ravo rawana mashoko ekuti vanhu vanodarika makumi mashanu vasungwa munyika yose mukuratidzira kwaitika uku.
“Kunyange hazvo tichiri kuunganidza mashoko ari kubva kunhengo dzedu, zvatatambira kusvika pari zvino zvinoratidza kuti kune vanhu vanodarika makumi mashanu vasungwa. KuBulawayo kwasungwa vanhu vakawanda avo vari kubatsirwa nemagweta edu.
“Kwese kana kuZvishavane, kwaMutare kuManicaland nekuChipinge uko. KuVictoria Falls magweta edu ari kubatsira vanhu vanosvika gumi nevatanhatu vasungwa ikoko,” Vamafunda vanodaro.
Vanoti kuVictoria Falls vamwe vevasungwa vanosanganisira vashanyi, avo vanga vachifambawo zvavo vakabatinidzirwa.
VaMafunda vanoti kune vamwe vatori venhau vasungwawo, kusanganisira vamwe vana vanga vambosungwa mushure mekutora mifananidzo yezvanga zvichiitika kuMufakose.
Vatori venhau ava, avo vanga vaendeswa kukamba yemapurisa yeMarimba, vanonzi vamanikidzwa kudzima mifananidzo iyi vasati varegerwa vasina mhosva yavapomerwa.
Zvichakadaro, vanhu zana nevana vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekurova mapurisa nekukonzera mhirizhonga mumisha inogara veruzhinji yeEpworth neMabvuku musi weMuvhuro uye vamwe vanga vakakuvara zvakaipisisa.
Mune imwewo nyaya yanga iri mudare, mutungamiri webato reViva Zimbabwe rakaparurwa svondo rapera, VaAcie Lumumba, vamiswawo pamberi pedare vachipomerwa mhosva yekuzvidza mutungamiri wenyika vachishandisa mazwi atisingakwanise kutaura pamhepo.
VaChikwekwe vatura mutongo wekuti VaLumumba vabhadhare mari yechibatiso inoita madhora mazana mana uye kuti vasiye magwaro avo ekufambisa kudare pamwe nekuti vazvipire kumapurisa neMuvhuro wega-wega.
Zvichakadai, nyaya zhinji dzatadza kunzwikwa kumatare sezvo vashandi vemutare vazhinji vasina kuenda kumabasa zvichitevera kuramwa mabasa kwaitwa neveruzhinji munyika yose.