Mamwe masangano evashandi vehurumende atobuda pachena kare kuti nhengo dzawo hadzisi kuzotambira zana remadhora rinonzi nehurumende ichapa kuvashandi vayo nemusi weChishanu svondo rino kuti vawane chekufanoshandisa pavanenge vakamirira mihoro yavo yaChikumi, iyo ichauya mwedzi.
Mutungamiri wesangano reProfessional Educators Union of Zimbabwe, VaWilson Makanyaire vanoti sangano ravo rimwe remasangano ane nhengo dzaramba kutambira mari iyi, vachiti ichi chituko chaicho kuvarairidzi.
“Nhasi musangano wataita kuMarondera wekunzwa pfungwa dzevarairidzi unoratidza kuti havasi kuzotambira mari iyi. Varairidzi vari kuti kana hurumende ichida kutipa mari ngaitipe mihoro yedu yese yakakwana mwedzi uno,” VaMakanyaire vanodaro.
Vanoti sangano ravo rasunga kuti varairidzi vapinde mukuramwa mabasa kana vasina kutambira mihoro yavo panosvika musi wa 1 Chikunguru.
“Zvatiri kukumbira kuvarairidzi ndezvekuti zvisineyi kuti uri wesangano ripi, ngatibataneyi maoko tipinde mukuratidzira, tipinde mukuramwa mabasa nekuti ndiwo mutauro unoteererwa nemushandirwi,” vanodaro VaMakanyaire.
Iri danho ratsigirwa nerimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, iro rinoti nhengo dzaro dzarambawo kutambira hurongwa hwehurumende uhwu.
Mutungamiri wesangano iri VaTakavafira Zhou vanoti zana remadhora iri imari isina zvainovabatsira sezvo ichiperera kumabhanga.
“Varairidzi vane zvikwereti kumabhanga saka mari iyi inobva yangobatwa ikoko isati yasvika kwavari. Kana vakaitambira mari yacho vachienda kumabasa, ko mhuri dzavo dzinosara dzichidyeyi?” VaZhou vanobvunza.
VaZhou vanoti nhengo dzavo hadzisi kuzoenda kumabasa kubva musi wa 1 mwedzi unouya kusvika dzapiwa mihoro yadzo yakakwana.
Vanoti vari kukurudzira vashandi vose vehurumende kuti vaende kumusangano wevashandi uchaitwa muHarare neMugovera, apo pachapiwa mukana vose vanoda kutaura zvavanofunga.
Sangano reRural Teachers’ Union of Zimbabwe rakaudzawo Studio 7 kare kuti harisi kuzotambira zana remadhora iri, sezvo zvichiratidza pachena kuti hurumende haina hany’a nevashandi vayo.
Munyori mukuru weRural Teachers’ Union of Zimbabwe, VasRobson Chere vakati nhengo dzavo dzichatora matanho ekuramwa mabasa kana dzisina kupiwa mihoro yadzo yaChikumi muna Chikumi, kwete muna Chikunguru sezviri kurongwa nehurumende.
Ukuwo sangano reZimbabwe Teachers Association, Zimta rakaudzawo bepanhau reHerald kuti kunyange richiri kunzwa pfungwa dzenhengo dzaro pamusoro penyaya iyi, varairidzi vari kudya magaka mambishi sezvo vari kuramba kutambira mari isina kwainovasvitsa.