Accessibility links

Breaking News

MDC T Yoronga Kusatenga Muzvitoro neZvigadzirwa zveVanodyidzana neZanu PF


Munyori mukuru weMDC T VaDouglas Mwonzora. (Sebastian Nyamhangambiri for VOA)
Munyori mukuru weMDC T VaDouglas Mwonzora. (Sebastian Nyamhangambiri for VOA)

Bato reMDC T ritoti riri kuronga kuparura chirongwa chekusatenga muzvitoro kana zvigadzirwa zvemakambani evanhu vanodyidzana nehurumende iri kutonga yeZanu PF.

Mutauriri weMDC T, VaDouglas Mwonzora vanoti bato ravo rafunga kutora danho iri sezvo vanhu vari kudyidzana nehurumende yeZanu PF vari kuita zvehuwori mukuwanisana mabasa muhurumende vachipedzisira vokama hurumende.

VaMwonzora vanoti pari zvino bato ravo rave nemakambani anosvika gumi nemapfumbamwe avachakurudzira veruzhunji kuti vasadyidzana nawo, anosanganisira kambani yemutungamiri wenyika yeGushungo Dairy, pamwe nezvitoro zveChoppies, inove yemutevedzeri vemutungamiri wenyika, vaPhelekezela Mphoko.

Vanoti hurongwa hwavo hwakatwasuka zvikuru sezvo husiri kuzoparadza zvitoro kana makambani aya kana kuita zvemhirizhonga, asi kuti vachangorega kutenga zvigadzirwa zvakaita semukaka weGushungo nemuzvotoro zvakaita seChoppies.

"Hatisi kuzorwisana navom kana kuparadza zvitoro zvavo. Tiri kungoti hatitengi muzvitoro zvavo kana kushandisa zvigadzirwa zvavo chete," VaMwonzora vanotsanangura.

MDC T iri kuedza kutora matanho akawanda anosanganisira kuratidzira, senzira yekumanikidza hurumende yaVaMugabe kubva pachigaro.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG