Mamwe masangano evashandi vehurumende ari pasi peApex Council anosvika gumi nemaviri anosanganisira PTUZ, TUZ nePublic Serice Association, anonzi asangana muHarare akasunga kuti haasi kuzoenda kumusangano wadaidzirwa nebazi rezvevashandi nemabasa wekuzeya nezvekunonoka kwevashandi kuwana mihoro yavo mwedzi uno.
Musangano uyu unonzi wanga uchipindwawo nevekuReserve Bank of Zimbabwe, vebazi rezvemari pamwe neveku Civil Service Commission.
Munyori mukuru wesangano revarairidzi, rePTUZ, VaRaymond Majongwe vanoti masangano apinda mumusangano weApex Council uyu awirirana kuti haana kushevedzwa negwara kwaro kumusangano wehurumende uyu.
"Tati isu hatiende kumusangano uyu nekuti taita zvekudaidzwa nefoni sevafudzi vemombe, kana marombe anonzi uyai kuno mudye, kwaita chikafu chemahara," VaMajongwe vanodaro.
Vanoti hurumende inofanirwa kuziva kuti Apex Council isangano rakazvimirirawo roga, rakakosha, uyewo rinove nhengo yenhaurwa dzenyaya dzevashandi, saka vanofanirwa kuremekedzwa.
VaMajongwe vanoti musangano wavaita uyu wasungawo kuti vashandi vehurumende vachatora matanho kana vasina kuwana mari dzavo dzemihoro panopera mwedzi uno.
"Hatisi kubvuma kuti ma salary edu ganzi hakuna mari isu takaseenza, nekuti takadzimara tabvuma ipapo vana vedu kana vazukuru vedu vachazototiseka rimwe gore kuti heano mafuza, madununu aiseenzera nyika asingabhadharwe."
Hurumende yakazivisa neChishanu chapfuura kuti nekuda kwekunetsa kwemari yakanga ichi zoendesa mberi mazuva ekutambirwa kwemari nevashandi vayo.
Vechiuto vakanzi vachatambira mari dzavo musi wa 27 Chikumi, vachiteverwa nemapurisa musi wa 30 Chikumi.
Varairidzi vanonzi vachazotambira musi wa 7 Chikunguru, vachiteverwa nevari mubazi rezvehutano pamwe nevamwe vashandi vose musi wa 14 Chikunguru, kuchizopedzisira vari pamudyandigere musi wa 19 Chikunguru.
Sangano reZimta harina kupinda musangano weApex Council uyu, uye mukuru weZimta, VaSifiso Ndlovu vaudza Studio 7 kuti vanga vasina ruzivo nezvemusangano uyu.
Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvevashandi nemabasa, Amai Prisca Mupfumira kuti tinzwe mafambiro aita musangano webazi ravo usina kupindwa nevashandi uyu.