Doctor Patson Dzamara vanoti vambobvunzurudzwa nemapurisa edivi reLaw and Order epaHarare Central Police Station pamusoro pekuramwa mabasa nekuratidzira kwakaitika munyika nemusi weChitatu.
Doctor Dzamara vanoti vanga vaenda pakamba yemapurisa iyi vachida kunopa chikafu kune vamwe vavo vakasungwa mukuratidzira kwakaitika nemusi weMuvhuro, apo vaonekwa nematikitivha mana vave kubuda kubva mukamba iyi.
“Saka pavandiona vabva vandishevedza vachibva vanditi vanga vachitonditsvaga nemhosva yekukurudzira vanhu kuti vapandukire hurumende.
“Saka vabva vati mumwe wangu wandanga ndinaye aende zvake vachibva vapinda neni mune imwe hofisi,” Doctor Dzamara vanodaro.
Vanoti vave muhofisi umu vabvunzurudzwa nezvechinangwa chavo, zvavachaita mune remangwana uyewo kuti vane pfuti here.
Vanoti mapurisa avaudzawo kuti ari kutsvagawo Pastor Evan Mawarire pamusoro penyaya imwecheteyo.
Asi vanoti vazoregwa kwapera nguva inodarika awa rimwe vasina mhosva yavapomerwa.