Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba Votsutsumwa neKushandurwa kweMazuva Avo eKuwana Mihoro


Vanachiremba vanotarisirwa kusangana kuti varovane masoro panyaya yemihoro yavo
Vanachiremba vanotarisirwa kusangana kuti varovane masoro panyaya yemihoro yavo

Vana chiremba vanoti havasi kufara nedanho rakatorwa nehurumende rekuendesa mberi mazuva avo ekutambira mihoro, izvo zvoita kuti varonge kusangana nemusi weChishanu svondo rino kuti varovane masoro pagwara rekutora vachienda mberi.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba, reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Fortune Nyamande vanoti hurumende yakatora danho iri isina kugara navo pasi sezvakawiriranwa.

Dr. Nyamande vanoti hurongwa hwekuti vashandi vari muboka rezvehutano ndivo vanopedzisira nguva yose kuwana mihoro hunovadzikisa pasi zvikuru.

Zvichakadaro, rimwe sangano revarairidzi, reProgressive Teachers Union of Zimbabwe rinoti harioni nhengo dzaro dzichikwanisa kuramba dzichienda kubasa kutanga svondo rinouya, sezvo dzisisina mari dzekufambisa.

Mutungamiri wesangano iri VaTakavafira Zhou vaudza Studio 7 kuti mari dzakatambirwa nevarairidzi mwedzi wapera dzinokwanisa kungovararamisa kusvika panopera svondo rino chete.

Hurumende iri kutatarika kuwana mari dzekutambirisa vashandi vayo, izvo zvakaita kuti ikundikane kubhadhara mihoro yaChikumi paine nguva.

Mauto ndiwo achatanga kuwana mari musi wa 27 Chikumi, voteverwa nemapurisa musi wa 30 Chikumi.

Varairidzi vanotarisirwa kuzowana mari dzavo musi wa 7 Chikunguru, kwozoti vanachiremba nevamwe vashandi vehurumende vose vozotambiriswa musi wa 14 chikunguru.

Vave pamudyandigere vanozotarisirwawo kuwana mari dzavo musi wa19 Chikunguru.

Hurukuro naDoctor Fortune Nyamande
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG