Gavhuna weRBZ Dr. John Mangudya vanoti Zimbabwe yawana mari yekubhadhara mitero pazvikwereti kana kuti ma arrears emari inosvika bhiriyoni imwe chete iri kupa kuti isawane zvimwe zvikwereti zvitsva.
Vanachiremba vanoti havasi kufara nedanho rehurumende rekuvandudza mazuva avo ekutambiriswa mari dzemihoro.
Zvizvarwa zveZimbabwe zvopisirwa bhazi nekubirwa mumhirizhonga iri kuitika mupretoria.
M-D-C T yave kuzoratidzira kwamutare nemusi weChina mushure mekunge mapurisa ati musi weMugovera uchaitwa musangano weZanu-PF.
Muchirongwa che The Connection na8.30 pm tiri kutarisa nezvekurudziro iri kupihwa vechidiki kuti vanyorese kuvhota.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kustudio7, shandisai whatsapp panhamba dzinoti + 1 202 465 0318.
Vanoda kuteerera Studio7, tibateyi na 7 pm pamasaisai anoti 909 am ne 4930 kilohertz paShortwave.