Hurongwa hwekuti Zimbabwe idzokere mumubatanidzwa wenyika dzainge dziri pasi pehutongo hweBritain weCommonwealth hwave padanho repamusoro mushure mekunge sangano iri razivisa kuti rave kuzotumira chikwata chevaongorori vanoona kuti zvakakodzera here kuti itenderwe kudzokera kuva nhengo zvekare.
Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe VaObert Gutu vari kushanya muno muWashington DC umo vari kutarisirwa kuita musangano nevamwe muhurumende yeAmerica.
Mutungamiri webato rinopikisa reNattional Patriotic Front kana kuti NPF VaAmbrose Mutinhiri nemusi weMugovera vaita musangano wavo wekutanga kuKwekwe, Midlands Province.
Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehupfumi VaTerrence Mukupe avo vari kushorwa zvakanyanya nevakawanda munyika vanyora tsamba vachiyedza kuzvichenura panyaya dzakawanda dzavari kupomerwa dzapa kuti vamwe vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vavadzinge basa.
Vaimbova gurukota rinoona nezvematunhu uye vachiona nezvegwara remusangano mubato reZanu-PF avo vainge vamboenda muhupoteri muna Mbudzi pakabviswa hurumende yavaive mutungamiri wenyika vaRobert Mugabe nemauto vadzoka kumusha nhasi kubva kuSouth Africa.
VaKomichi vanoti vari kufadzwa nemafambiro ari kuita sarudzo idzi, vachiti nhengo dzebato ravo dziri kusarudzo vachavamirira kubva mukanzuru kusvika kuparamende.
Hurumende yeZimbabwe nezuro yakanyorerana chubvumirano nehurumende yeBelarus yekuti ipote ichitumira mapurisa kunyika iyi kuti vanokwenenzvera ruzivo rwawo.
Bazi reUnited Nation Population Fund kana kuti UNFPA riri kukurudzira kuti mabasa ekuti vechidiki vasatapurirwe chirwere cheHIV asimbaradzwe kuitira kudzikisa huwandu hwevari kutapurirwa kana kuti prevalence rate huri pazvikamu gumi nezviga zvitanhatu kubva muzana kana kuti 14,6%.
Magweta anoshanda nesangano reVeritas iro rinoongorora mitemo inenge iri mudare reparamende anoti bumbiro remutemo rinosungira sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe electoral commission kuti risume mapato anopikisa kuti magwaro ekuvhotesa kana kuti maballot papers ari kudhindwa kupi kuti nyaya dzesarudzo munyika dzisaite mutauro.
Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vanoti mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T Muzvare Thokozani Khupe vakadzingwa zviri pamutemo mudare iri mushure mekunge bato ravo ranyora tsamba kuti vange vasisiri nhengo yebato iri.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakaenderera mberi nemisangano kuManicaland vachiita musangano kwamMarange kuManicaland uko kwapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu.
Bhiri remutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill rave kutarisirwa kuva mutemo mukupera kwesvondo rino kana ratambirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagawa.
Mutungamiri webato ronopikisa reAlliance for the People's Agenda kana kuti APA Doctor Nkosana Moyo vanoti nyaya yehuori kwete zvirango zvakatemerwa nyika ndiyo yakonzera kuti nyika ipinde mumadhaka miairi munyaya dzezvehupfumi.
Sangano reCentre for Natural Resource Governance kana kuti CNRG rinoti harina chivimbo chekuti kambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company Pvt Ltd, iyo iri kuchera mangoda kwaChiadzwa, yakazvipira kuongorora zviri pachena nyaya yairi kupomerwa yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vemunharaunda iyi.
Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti vari kuda kuti nyika iite sarudzo dzakachena, vanopikisa nemamwe masangano ekuzne vari kuti vari kungoita gudzira mukanwa nekuti hakuna zvakawanda zvachinja panyaya yemitemo yesarudzo.
Nekuda kwekushomeka kwemari, makambani makuru munyika anopihwa mari kubva kuRBZ kuti atenge zvinhu kubva kunze kwenyika.
Mutongi wedare repamusoro VaClement Phiri nezuro vakapa mutongo wekuti Ishe Fortune Charumbira vakatyora mutemo apo vakataura mashoko ekuti madzishe anotsigira bato riri kutonga reZanu-PF nekudaro vanofanira kurangwa nebazi rezvematunhu.
Kuda kudzokera kumusha kwaVaKasukuwere kwapa kuti paite ropa rakaipa paVaKasukuwere nevamwe vaive makurukota Muzvinafundo Jonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao.
Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe Doctor John Mangudya vanoti bhanga ravo riri kuendesa mari inosvika zviuru mazana mana nemakumi mashanu kana kuti US$450, 000 pazuva kumisika yefodya kunyangwe hazvo paine kugunun’una kwakanyanya kubva kuvarimi kuti mari iri kunetsa kuwana.
Mutungamiri wechimwe chikwata MDC-T VaNelson Chamisa vakaita musangano nemusi weSvondo paJubilation Centre, Bedford kuBritain nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.
Rodhai zvimwe