Kunyangwe hazvo mutungamiri wenyika, VaEmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuti vari kuda kuti nyika iite sarudzo dzakachena, vanopikisa nemamwe masangano ekuzne vari kuti vari kungoita gudzira mukanwa nekuti hakuna zvakawanda zvachinja panyaya yemitemo yesarudzo.
Asi veZanu-PF vanoti pane zvakawanda zvachinja kusanganisira nyaya yekuti matare ari kutonga akasungunuka vachipa muenzaniso wekuti neChitatu, dare repamusoro rakapa mutongo wekuti madzishe asapindire munyaya dzezvematongerwo enyika.
Iyi inyaya yange ichinetsa musarudzo dzemunyika sezvo madzishe nemasabhuku ange achipomerwa mhosva yekumaninikidza vanhu kuti vavhotere Zanu-PF.
Vanokokera MDC-T mudare reparamende, VaInnocent Gonese, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakavimbisa kuvandudza mitemo yesarudzo asi hapana chavari kuita .
Asi mutevedzeri wemunyori wezvemutemo muZanu-PF, VaFortune Chasi, vanoti Zanu-PF iri kuyedza kuita zvose zvinodiwa.
Facebook Forum