Accessibility links

Breaking News

VaMukupe Vopa Divi Ravo paNyaya Dzavari Kupomerwa


VaTerrence Mukupe
VaTerrence Mukupe

Mutevedzeri wegurukota rinoona nezvehupfumi VaTerrence Mukupe avo vari kushorwa zvakanyanya nevakawanda munyika vanyora tsamba kuvatori venhau vachiyedza kuzvichenura panyaya dzakawanda dzavari kupomerwa dzapa kuti vamwe vati mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vavadzinge basa.

Panyaya yekutanga yavanoonekwa pavhidhiyo vachiti mauto haasi kuzoregedza VaChamisa vachitonga vakakunda musarudzo, VaMukupe vanoti vanhu vari kureva nepasipo zvikuru vanopikisa.

Asi gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko VaSimon Khaya Moyo vakatoburitsa mashoko vachishora zvikuru mashoko VaMukupe aya vachiti haamirire zvido zvehurumende nebato ravo reZanu-PF.

Pakutuka kwavanonzi vakaita VaBiti pamhepo vachiti vainge vanwa here mapiritsi echirwere chemukondombera, VaMukupe vanoti vainge vadenwa naVaBiti asi vachiti havaifanira kutaura zvavakataura. Vatiwo vanokumbira ruregerero.

Panyaya yavanonzi vaida kurova mutori wenhau Blessed Mhlanga vari pamhepo zvekare, VaMukupe vati vainge vadenwa asi vakati vari kukumbira ruregerero nekubuda muchirongwa chisati chapera.

Havana kutaura nezveimwe mhosva yavari kupomerwa yekutora nechisimba mbozhanhare yemudzimai waVaMhlanga uyo aiedza kutora vhidhiyo apo vanonzi vainge voda kurova murume wavo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG