Accessibility links

Breaking News

NPF Yoita Musangano Wayo weKutanga


VaAmbrose Mutinhiri
VaAmbrose Mutinhiri

Mutungamiri webato rinopikisa reNattional Patriotic Front kana kuti NPF VaAmbrose Mutinhiri nemusi weMugovera vaita musangano wavo wekutanga kuKwekwe, Midlands Province.

Vachitaura neStudio 7, VaMutinhiri vakati dunhu reMidlands Province rakakosha zvikuru; “Muno ndimo mudunhu munobva muttungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa uye mavaigara vachikundwa musarudzo.

Mutinhiri
Mutinhiri

Ndokusaka ndabva ndati regai nditangire mumba.” VaMutinhiri vati vange vachitsanangurira vanhu kuti sei NPF yakaumbwa uye chinangwa chavo chavati ndechekudzorera nyika muhutongo hwejekerere kwete zvakaitwa nehurumende yaVaMnangagawa zvekushandisa mauto kubvuta masimba kuna VaMugabe.

Mutinhiri
Mutinhiri

NPF inonzi ine rutsigiro rwevaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemudzimai wavo Amai Grace Mugabe. Patavabvunza nezvekudyidzana nemhuri yaVaMugabe, VaMutinhiri vangoti havana chavakatadzirana naVaMugabe. Vatendawo kuti VaMugabe vanogona kunge vaine zvavakatadza asi vakati havatenderane nekubviswa kwavakaitwa.

Panyaya yekuti vapinde mumubatanidzwa nevamwe, VaMutinhiri vati havasati vatanga kuita nhaurirano asi vati inyaya yavanotambira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG