Magweta anoshanda nesangano reVeritas iro rinoongorora mitemo inenge iri mudare reparamende anoti bumbiro remutemo rinosungira sangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe electoral commission kuti risume mapato anopikisa kuti magwaro ekuvhotesa kana kuti maballot papers ari kudhindwa kupi kuti nyaya dzesarudzo munyika dzisaite mutauro.
ZEC inoti sezvo nguva yekuita sarudzo yave pedyo, yave kutsvaga vanodhinda mapepa aya nechimbi chimbi. Asi vanopikisa vange vachiti vanoda kuti zviitwe pajekerere pachikokwa makambani akawanda kuti sarudzo dzisabirirwe.
Mutemo unosungirawo ZEC kuti isume mapato ari kukwikwidza huwandu hwemapepa anenge adhindwa uye anenge aendeswa kunzvimbo yose yekuvhotera.
Veritas inoti hapana chinokanganisa ZEC kuti izivise vanopikisa kuti kambani yavakasarudza kudhidha mapepa ndeipi uye kukoka a nhumwa kunoona kunenge kudindwa mapepa acho.
Mutungamiri wenyika vaemmerson mnangagwa vave kutarisirwa chero nguva kudoma zuva resarudzo sezvo senate iri kutarisirwa svondo rino kutambira bhiri rekuvandudza mitemo yesarudzo.
Nyanzvi munyaya dzehumhizha mumichina yekuvhotesa kana kuti BVR Doctor Samuel Chindaro vanoti kubirira sarudzo dzeBVR kunogona kuti netsei asi mitemo inodzikwa nemapato inogona kukanganisa jekerere musarudzo.
Facebook Forum