Accessibility links

Breaking News

Varimi veFodya Voramba Vachitatarika Kuwana Mari


Gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vanoti bhanga ravo riri kuendesa mari inosvika mazana mana nemakumi mashanu ezviuru zvemadhora pazuva kumisika yefodya kunyange hazvo paine kugunun’una kwakanyanya kubva kuvarimi kuti mari iri kunetsa kuwana.

Varimi vakawanda vari kuchema chema nerekuti kunyange hazvo bhanga guru renyika rakavavimbisa madhora mazana matatu pavanenge vatengesa fodya, mari iyi haisi kuwanikwa mumabhanga ari pamisika yefodya.

Misika iyi inosanganisira Boka, Tobacco Sales Floor, Premium neMashonaland Tobacco Company.

Vanoti mabhanga dzimwe nguva kana achivapa mari anovapa iri makoini.

Asi vachitaura nebepanhau reHerald, VaMangudya vanoti mari yavari kuendesa kumabhanga ari kumisika yefodya inokwana kupa varimi vanosvika chiuru chimwe chete nemazana mashanu inoita madhora mazana matatu pamunhu pazuva.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vfachishanda nesangano ravachipangamazano re Labor and Economic Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara, vanoti zviri kuitika kumisika uyu munongedzo wekuti dambudziko rekushomeka kwemari richakakomba munyika.

Fodya ndiyo inounza mari yekunze yakawanda munyika zvekuti kukanganisa varimi kuzvisikira moto muziso.

Doctor Chitambara vanoti zviri kuitika munongedzo wekuti RBZ iri kutatarika kushandisa zvakanaka mari shoma yacho iripo.

Vatiwo varimi vakaramba vachibatwa neseri kweruoko vanoguma varima zvimwe zvirimwa uye kuremerwa nekutenga zvikwanisiro zvemwaka unotevera.

Mutauriri we Tobacco Industry and Marketing Board, VaIsheunesu Moyo, vaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo vasine nechekuita nekubhadharwa kwevarimi kana vatengesa fodya, vari kuvakurudzira kuti vavhure mabhuku emabhanga kana kuitira kuti zvive nyore kuti vawane mari.

VaMoyo vatiwo mari iri kutengeswa fodya mwaka uno yakati kwirei kudarika gore rapera.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti nyaya yekutadza kugadzira zvinhu zvakawanda zvekutengesa kunze iri kupa kuti dhora rekuAmerica rinetse kubata munyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG