Accessibility links

Breaking News

Kambani yeHurumende Inochera Mangoda Yopomerwa Mhosva yeKutyora Kodzero dzeVagari vekwaChiadzwa


Vagari vekwaChiadzwa vanoti vari kutyorerwa kodzero dzavo
Vagari vekwaChiadzwa vanoti vari kutyorerwa kodzero dzavo

Sangano reCentre for Natural Resource Governance kana kuti CNRG rinoti harina chivimbo chekuti kambani yeZimbabwe Consolidated Diamond Company Pvt Ltd, iyo iri kuchera mangoda kwaChiadzwa, yakazvipira kuongorora zviri pachena nyaya yairi kupomerwa yekutyorwa kwekodzero dzevanhu vemunharaunda iyi.

Mwedzi wapera, vagari ava vachitungamirwa nesangano reCNRG vakaratidzira izvo zvinonzi nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu zvakavhundutsa hurumende iyo yave kutyira kuti inogona kurambidzwa kutengesa mangoda neKimberly Process kana kuti KP iyo isingatendedzi kutengeswa kwemangoda anonzi ane ropa.

CNRG yakatonyora tsamba kuKimberly Process pamusoro penyaya iyi. Mukuru weCNRG VaFarai Maguwu vanoti sangano ravo raita musangano nebhodhi pamwe nevakuru veZCDC, vachionesa mamiriro akaita zvinhu.

"Tavaudza kuti isu sesangano rakazvimirira, hatikwanise kuti tinyepere the whole world kuti ma diamonds ekuZimbabwe ari conflict-free iwo ari kucherwa munzvimbo iri kumbunyikidzwa kodzero dzevanhu, VaMaguwu vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG