Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voita Musangano kuBritain


VaNelson Chamisa

Mutungamiri wechimwe chikwata MDC-T VaNelson Chamisa vakaita musangano nemusi weSvondo paJubilation Centre, Bedford kuBritain nezvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika iyi.

VaChamisa vakaudza vanhu ava kuti vanofungidzira kuti pane hurongwa hwekuda kubirira sarudzo uye havasi kuzorega izvi zvichiitwa. Vakatiwo vane hurongwa hwakajeka hwekugadzirisa hupfumi hwenyika uho hwaenda kumawere.

Vakashorawo mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutevedzeri vavo vachiti vapererwa nemazano ekugadziriswa nyika iyo yaenda kumawere.

Vasati vapinda mumusangano uyu, VaChamisa vatanga vapinda svondo kuchechi yavo yeAFM kuStevenage.

VaChamisa vari kuperekedzwa kuBritain nedzimwe nhengo dzeMDC Alliance dzinoti VaTendai Biti naVaDavid Coltart.

Vatatu ava vari kutarisirwa kuita misangano nevatungamiri vehurumende yeBritain, mapato anopikisa uye vemabhizimisi. VaChamisa vari kutarisirwawo kutaura kuChatham house uye kuOxford University.

please wait

No media source currently available

0:00 0:35:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG