Accessibility links

Breaking News

Ishe Charumbira Vanoudzwa neDare Kuti Madzishe Haapindiri Munyaya dzeMatongerwo eNyika


Ishe Fortune Charumbira
Ishe Fortune Charumbira

Mutongi wedare repamusoro, VaClement Phiri, vakatura mutongo neChitatu wekuti Ishe Fortune Charumbira vakatyora mutemo apo vakataura mashoko ekuti madzishe anotsigira bato riri kutonga reZanu-PF.

Dare iri rakati Ishe Charumbira vanofanirwa kurangwa nemitemo yezvematunhu.

VaPhiri vakapawo Ishe Charumbira mazuva manomwe ekuti vaudze vanhu kuburikidza nemapepanhau, nhepfenyuro nepaterevhizheni kuti hapana ishe anofanira kutora divi munyaya dzezvematongerwo enyika.

Dare iri rakakomekedza kuti Ishe Charumbira vaburitse pachena kuti vakanganisa nekutaura kwavo kuti madzishe anotsigira bato riri kutonga.

Bumbiro remutemo wenyika rinoti madzishe nemasabhuku havafanire kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika kunyange hazvo vamwe vavo vachiramba vachiita izvi.

Nyaya iyi yakakwidzwa kumatare nesangano reElection Resource Center, ERC.

Hatina kukwanisa kubata Ishe Charumbira sezvo vange vasiri kudaira nharembosha yavo.

Mukuru weERC, VaTawanda Chimhini, vanoti vafara zvikuru nemutongo uyu vakati madzishe anofanira kutonga asina divi raanorerekera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG