WASHINGTON —
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa nemusi weSvondo vakaenderera mberi nemisangano kuManicaland vachiita musangano kwamMarange kuManicaland uko kwapindwa nezviuru nezviuru zvevanhu.
Vachitaura pamusangano uyu, VaChamisa vakati vari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti zviwanikwa zvekwaMarange hazvisi kushandiswawo kuunza budiriro munzvimbo iyi.
Vanoti vakasarudzwa vachaona kuti vanhu ava vavakirwa zvipatara. VaChamisa vakatiwo hurumende yeZanu-PF yakundikana kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvedzidzo, hutano uye migwagwa.
Facebook Forum