Accessibility links

Breaking News

Kushaikwa kweMari yeKunze Kwokonzeresa Kushomeka kweDoro neZvinwiwa


Kambani inobika doro yeDelta, inoti yasarirwa nedoro nezvinwiwa zvisingadhaki zvesvondo rimwe chete
Kambani inobika doro yeDelta, inoti yasarirwa nedoro nezvinwiwa zvisingadhaki zvesvondo rimwe chete

Kambani yeDelta inoti yasarirwa nedoro nezvinwiwa zvakaita sekokokora (Coca Cola) zvevhiki rimwechete chete nekuda kwekushaikwa kwemari kubva kubhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe.

Nekuda kwekushomeka kwemari, makambani makuru munyika anopihwa mari kubva kuRBZ kuti atenge zvinhu kubva kunze kwenyika.

Kambani yeDelta inonziwo ine zvikwereti zvakakura. Asi zvinhu zvinenge zvisina kumira zvakanaka kubhanga iri nenyaya yekuti mari yekunze iri kunetsa kuwana.

Mukuru we‎Management Solutions (Pvt) Ltd, VaLuxon Zembe, vanoti zvinhu zvinotambudza zvikuru kune vemabhizimusi, zvichiratidza zvakare kuti nyaya yemari yekune dzimwe nyika ichiri kunetsa muZimbabwe pari zvino.

"Kana makambani makuru anogadzira zvekudya akaita seDelta aakupa yambiro yakadaro zvinoratidza kuti zviro zvedu hazvina kumira zvakanaka," VaZembe vanodaro.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG