Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotumira Mapurisa kuBelarus Iyo Inozivikanwa neKutyora Kodzero dzeVanhu


Hurumende yeZimbabwe nezuro yakanyorerana chubvumirano nehurumende yeBelarus yekuti ipote ichitumira mapurisa kunyika iyi kuti vanokwenenzvera ruzivo rwawo.

Asi nyaya iyi iri kutarisirwa kukonzera mutauro wakanyanya sezvo sangano rinorwira kodzero dzevanhu reHuman Rights Watch, mugwaro raro remamiriro akaita nyaya dzekodzero dzevanhu pasi rose kana kuti Human Rights Watch World Report 2018, rakaburitsa pachena kuti hurumende yeBelarus inotyora kodzero dzevanhu.

Gurukota rezvekudzivirirwa kwemukati menyika VaObert Mpofu vakanyorerana chibvumirano negurukota rezvemukati menyika kuBelarus Lieutenant General Igor Schunevich kumucheto wemusangano uri kuitwa kuVictoria Falls wezvekurima kuchamhembe kweAfrica weSouthern African Confederation of African Farmers Union.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vainge varipowo pakunyoreranwa kwechibvumirano ichi.

Asi VaMpofu vanoti Zimbabwe ichawana chouviri kuburikidza nekudzidziswa nezvekurwisa vanopfurikidza mwero uye kudzivirira kutengeswa pamukoto kwezvinodhaka.

Mamwe mapurisa emunyika anonzi ari kutarisirwa kuenda kuBelarus chero nguva. Human Rights Watch inoti kubva muna 2010 nyika iyi yange ichiramba kuti pave nemamwe mapato anopikisa uye rekutanga rakanyoreswa muna 2010.

Vemasangano akazvimrira oga, vatori venhau nevanhuwo zvavo vanonzi vanoshungurudzwa zvakanyanya munyika iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG