Accessibility links

Breaking News

VaNkosana Moyo Vanoti Huori, Kwete Zvirango, Ndizvo Zvauraya Nyika


VaNkosana Moyo
VaNkosana Moyo

Mutungamiri webato ronopikisa reAlliance for the People's Agenda kana kuti APA, Doctor Nkosana Moyo, vanoti nyaya yehuori kwete zvirango zvakatemerwa nyika ndiyo yakonzera kuti nyika ipinde mumadhaka mairi munyaya dzezvehupfumi.

Doctor Moyo, avo vari kufamba vachisangana nevanhu pakutsvaga rutsigiro vasingaite misangano mukuru, vanoti vari kufara nezvavari kuita uye vanofunga kuti vachakunda musarudzo.

VaMoyo vanotiwo havana hurongwa hwekubatana nemamwe mapato sezvo vachiti zviri kuvanhu veZimbabwe kuti vasarudze mutungamiri wavanoda kwete kuti vatungamiri vemapato vapanane zvigaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG