Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kusaina Bhiri reMutemo Rakavandudzwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Bhiri remutemo wesarudzo kana kuti Electoral Amendment Bill rave kutarisirwa kuva mutemo mukupera kwesvondo rino kana ratambirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagawa.

Dare reparamende rakatambira bhiri iri svondo rapera uye rave kutarisirwa kuzeyiwa nedare reSenate musi weChipiri.

Dare repamusoro soro reSenate rikapedza kuzeya bhiri iri nekuritambira rinobva raendeswa kumutungamiri wenyika. Kana mutungamiri wenyika akaisa ruoko rwake, bhiri iri rinenge rave mutemo robva raendeswa kugwaro rehurumende kana kuti government gazette.

Nyanzvi munyaya dzezvemitemo dzinoti kana izvi zvaitwa mutungamiri wenyika anenge okwanisa kutara zuva resarudzo.

Gurukota rinoona nezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vatenda kuti vachaona kuti dare reSenate razeya mutemo uyu nechimbi chimbi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG