Accessibility links

Breaking News

VaKasukuwere Vokumbira Kudzoka Kumusha?


Vaimbove gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere.
Vaimbove gurukota rezvekutongwa kwematunhu, VaSavior Kasukuwere.

Vaimbova gurukota rinoona nezvematunhu VaSavior Kasukuwere, vanonzi vave nemwedzi mitatu vachiyedza kutaura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vabvumidzwe kudzoka kuZimbabwe.

Kuda kudzokera kumusha kwaVaKasukuwere kwapa kuti paite ropa rakaipa paVaKasukuwere nevamwe vaive makurukota Muzvinafundo Jonathan Moyo naVaPatrick Zhuwao.

Vatatu ava vakatiza munyika muna Mbudzi gore rapera pakapidigurwa mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe nemauto.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga pamutemo webumbiro reZimbabwe, munhu wese ari kunze kwenyika, kusanganisira naivo VaKasukuwere, akasununguka kudzokera kuZimbabwe pasina chinomudzivisa.

"Ikodzero yavo Vakasukuwere kuti vadzokere kuZimbabwe vakasununguka, pasina chingavadzivisa. Ndozvinorehwa nemitemo nekodzero dzevanhu vese vanonzi zvizvarwa zveZimbabwe," VaMavhinga vanodaro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG