WASHINGTON —
Bazi reUnited Nation Population Fund kana kuti UNFPA riri kukurudzira kuti mabasa ekuti vechidiki vasatapurirwe chirwere cheHIV asimbaradzwe kuitira kudzikisa huwandu hwevari kutapurirwa kana kuti prevalence rate huri pazvikamu gumi nezviga zvitanhatu kubva muzana kana kuti 14,6%.
Vachitaura mushure memusangano nemukuru wenational Aids Council Dr Tapuwa Magure, mukuru weUNFPA munyika Dr Ester Muia vakati kuderedza kupararira kwechirwere ichi, zvakakosha kuti vose vari mubasa iri vashande nevechidiki.
VaMagure vakati hurumende yakazvipira kuzadzikisa kurudziro iyi. Mutauriri weNational Aids Council Amai Tadiwa Nyatanga-Pfupa vati sangano ravo rine zvirongwa zvakawanda zvekubatsira vechidiki.
Facebook Forum