Accessibility links

Breaking News

Commonwealth Yotumira Nhumwa kuZimbabwe Kuti Dziongorore Kuti Ingadzorwe Here Mugungano Iri


Amai Patricia Scotland munyori mukuru weCommonwealth

Hurongwa hwekuti Zimbabwe idzokere mumubatanidzwa wenyika dzainge dziri pasi pehutongo hweBritain weCommonwealth hwave padanho repamusoro mushure mekunge sangano iri razivisa kuti rave kuzotumira chikwata chevaongorori vanoona kuti zvakakodzera here kuti itenderwe kudzokera kuva nhengo zvekare.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakanyora tsamba kumunyori mukuru weCommonwealth Amai Patricia Scotland musi wa 9 Chivabvu vachiti vave kuda kuti Zimbabwe idzokere mugungano iri. Mutauriri weCommonwealth VaBarnie Choudhury vanoti vatanga kuongorora kuti Zimbabwe yakakodzera here kudzoswa.

Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaburitsa Zimbabwe muCommonwealth muna 2003 mushure mekunge Commonwealth yazivisa muna 2002 kuti yainge ichironga kumbomisa Zimbabwe kuva nhengo.

Zimbabwe inofanira kuchengetedza kodzero dzevanhu kuti itenderwe kudzoka mugungano.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG