Accessibility links

Breaking News

VaGutu Votarisirwa Kuita Misangano neVakuru muHurumende yeAmerica


VaObert Gutu

Mutevedzeri wemutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change rinotungamirwa naDoctor Thokozani Khupe, VaObert Gutu vari kushanya muno muWashington DC umo vari kutarisirwa kuita musangano nevamwe muhurumende yeAmerica.

Vachitaura neStudio 7, VaGutu vati vari kutarisira kuti nemusi weMuvhuro vachaita musangano vevanwe vakuru mubazi reState Department. Vati vari kuda kutaura nezvenyaya yekuti muZimbabwe muitwe sarudzo dzakachena dzisingazorambwe nevanopikisa.

VaGutu vatiwo vanoda kutaura nenyaya yezvirango vachiti sebato havatenderani nezvirango zvinokanganisa magariro evanhu vanenge vazorwa mafuta enguruve yavasina kudya.

Asi vati vanenge vaine maoko ane ropa ndivo vanofanira kurangwa nezvirango.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG