Senator Chris Coons vebato remaDemocrats vachimiririra Delaware vanoti kana mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazadzikisa chivimbiso chavo chekuita sarudzo dzakachena ivo nevamwe vebato riri kutonga remaRepublicans vachashanda zvakasimba kuona kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vehurumende zvabviswa.
Mutungamiri wechimwe chikwata cheMDC-T vachitungamirawo mubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance vanoti mitemo yesarudzo munyika inofanira kuti igadziriswe nechimbi chimbi kuti pasazoita mutauro wakanyanya kana sarudzo dzapera.
Sangano reZimbabwe Peace Project kana kuti ZPP rashora zvikuru nyaya yekushandisa midziyo yehurumende yakaita sezvikopo kopo inonzi iri kuitwa neZanu-PF musarudzo dzayo dzemaprimary elections.
Sarudzo dzemaprimary elections dzeZanu-PF dziri kutarisirwa kuenderera mberi nhasi mushure mekutadza kupera nezuro sezvange zvakatarisirwa. Nzvimbo dzakawanda dzakanonoka kuwana mapepa ekuvhotesa.
Gadziriro yesarudzo muZimbabwe yasvika padanho repamusoro soro apo mapato makuru anopikisa achisimbaradza gadziriro dzichaitwa.
Nhengo dzebato reMDC-T rinotungamirwa naVaNelson Chamisa dziri kuda kukwikwidza musarudzo dzemaprimary edare reparamende uye Senate dziri kutarisirwa kuungana muHarare neChishanu kuti dzizeye nezvadzinotarisirwa kuita kana dzakabudirira musarudzo dzemaprimary.
Apo nyika yatarisana nesarudzo, vamwe vari kuchema nerekuti nyaya yekuburitswa kwemashoko panhepfenyuro nemumapepanhau ane chekuita nezvemapato ematongerwo enyika haisati yagadziriswa zviri kupa kuti bato riri kutonga reZanu-PF ripihwe mukana wakakura kudarika mamwe mapato ose anopikisa.
Rwendo rwaVaMoyo urwu rwuri kuuya mushure mekushanyira kwavo America neBritain, mukuyedza kwavo kuumbiridza hukama nenyika idzi mushure mekupedza makore akawanda ari makara asionane.
National Executive Council yechikwata cheMDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa yakasangana muHarare nemusi weChitatu pamuzinda webato iri weMorgan Tsvangirai House kwemaawa manomwe kuti izeye gadziriro yesarudzo.
Sarudzo dzemaprimary elections eZanu-PF dziri kuitwa nemusi weSvondo kunyangwe hapo paine kugunun’una kwevamwe kuti vakarambidzwa kutsvaga rutsigiro nezvikonzero zvakasiyana siyana.
Masangano aya anoti kana izvi zvisina kuitwa vanotenga mangoda kubva kunyika dzakabudirira vanofanira kuramba kuatenga sezvinoitwa mangoda anocherwa panodeuka ropa, kana kuti “blood diamonds”.
Mutevedzeri wegurukota rezvemari, VaTerrence Mukupe, vanoti Zimbabwe ichaparura masovereign bonds kana kuti kutsvaga mari yechikwereti ichishandisa fodya, goridhe nezvimwe zvirimwa.
Dzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu-PF dzakaratidzira pamuzinda webato iri nemusi weMuvhuro dzichiti hadzisi kufara nenyaya yekusarudzwa kwakaitwa vanhu vachakwikwidza musarudzo dzebato iri dzemaprimary.
Misangano yepagore yepagore yeIMF neWorld Bank inokokwawo makurukota ezvehupfumi, magavhuna emabhanga makuru, nyanzvi munyaya dzezvehupfumi nevamwe kana kuti "maspring meetings" uri kupetwa muWashington DC nemusi weSvondo.
Vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vaive mumwe wevatevedzeri vavo Amai Joyce Mujuru uye vaive mukuru wemapurisa VaAugustine Chihuri vave kutarisirwa kumira pamberi pekomiti inoone nezvezvicherwa musi wa9 Chivabvu kuti vatsanangura kuti mari yemangoda inosvika mabhiriyoni gumi nemashanu yakaenda kupi.
Amai Barbara Bush, mudzimai wevaive mutungamiri wenyika yeAmerica uyezve vari amai wemumwe akaimboitawo mutungamiri wenyika yeAmerica vashaya mushure mekurwara kwenguca yakareba.
Zimbabwe revenue authority kana kuti ZIMRA inoti mari yemutero yawedzera nezvikamu makumi maviri nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 29% kusvika pabhiriyoni imwe nezviuru zana rimwe chete kana kuti US$1,1 billion mumwedzi mina yekutanga kwegore
Sangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC rinoti kusvika parizvino vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nemazana manomwe nemakumi nemapfumbamwe kana kuti 36739 vanyoresa kuvhota kusvika musi wa 9 Kubvumbi kubva sangano iri zvaramira kuenda pedyo nemisha yevanhu kana kuti “blitz nemop up exercise”.
VaFlake vakati America inofanira kutumira mumiriri kuZimbabwe nechimbi chimbi sezvo nyika iyi iine sarudzo dzakakosha gore rino mushure mekunge Ambassador Harry Thomas Junior vasiya basa.
Pekutanga, ndege idzi dzakambonzi ndedzeZimbabwe Aviation Leasing Company, kana kuti ZALC, dzichishandisa zita rekuti Zimbabwe Airways. ZALC yainzi panguva iyi yaive kambani yemagweta navanamuzvinabhizimisi vasina kunge vadomwa nemazita.
Rodhai zvimwe